Accessibility links

VaTsvangirai Vanombomisa Dzimwe Nhengo Basa Zvichitevera Mhirizhonga muBato Ravo


Mutungamiri weMDC-T, VaMorgan Tsvangirai

Mutungamiriri webato reMovement for Democratic Change, VaMorgan Tsvangirai nhasi vambomisa basa nhengo shanu dzebato iri zvichitevera mhirizhonga yakaitika neSvondo kumahofisi ebato iri muBulawayo.

Vamwe vevambomiswa kuita mabasa ane chekuita nemusangano we MDC-T vanosanganisira mutevedzeri wemutauriri webato iri, Muzvare Thabitha Khumalo pamwe nemutevedzeri wemubati wehomwe VaCharlton Hwende, pamwe nevechidiki vatatu. Vaviri ava inhengo dzeStanding Committee yebato iri.

Studio 7 yataura nemutauriri webato reMDC-T, VaObert Gutu avo vati ichokwadi kuti kune nhengo shanu dzambomiswa kuita mabasa emusangano.

Vati kumiswa basa kwevashanu uku kwaitirwa kuti kuferefetwa kwenyaya yemhirizhonga iyi kufambire mberi zvisina dambudziko.

VaGutu vati kuferefetwa kuri kuitwa nyaya yemhirizhonga iyi kunoratidza pachena kuti bato reMDC-T haridi zvemhirizhonga.

Pane vambomiswa basa ava Studio 7 yakwanisa kubata Muzvare Thabitha Khumalo kuti tinzwewo divi ravo panyaya iyi. Muzvare Khumalo vati mashoko ekumiswa basa kwavo havasati vaanzwa kubva kubato ravo.

Vachibvunzurudzwa neStudio 7 kuti vane chekuita here nemhirizhonga yakaita kuBulawayo, Muzvare Khumalo varamba vakati ivo havawirirani nemhirizhonga.

Pavakaita musangano nevatori venhau neMuvhuro muHarare, VaTsvangirai vakavimbisa kuti vachaferefeta nyaya yemhirizhonga iyi pamwe nekuranga vese vachabatwa nemhosva.

Mushure memhirizhonga iyi VaHwende vakanyora padandemutande reFacebook vachipesvedzera mhirizhonga iyi asi vakazokumbira ruregerero pamusoro pezvavaive vanyora.

Vanonzi vakarohwa kuBulawayo vanosanganisira mumwe wevatevedzeri vaVaTsvangirai, Muzvare Thokozani Khupe pamwe nasachigaro webato iri VaLovemore Moyo.

Vatungamiriri ava vaive vasipo pakaparurwa mubatanidzwa wemapato anopikisa weMDC Alliance neMugovera, izvo veruzhinji vari kufungidzira kuti ndizvo zvavakaroverwa.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG