Mutungamiriri weMovement for Democratic Change, VaMorgan Tsvangirai vashoropodza mhirizhonga yakaitika kumahofisi ebato ravo kuBulawayo neSvondo uko kwakarohwa vamwe vatungamiri vebato iri.
Vachitaura nevatori venhau muHarare, VaTsvangirai vati zvinosuwisa kuti mafaro avo ekubatana nemamwe mapato anopikisa vachiumba MDC Alliance agurisirwa panzira nekuda kwemhirizhonga yakaitika iyi.
VaTsvangirai vati havadi zvemhirizhonga mubato ravo, vakati kunyangwe zvazvo mapurisa ari kuferefeta nyaya iyi, ivo sebato vari kuitawo tsvagiridzo dzavo.
Vati kana pane nhengo dzavo dzakakonzera mhirizhonga iyi dzicharangwa nebato ravo zvakaomarara.
Vakarohwa kuBulawayo vanosanganisira mumwe wevatevedzeri vaVaTsvangirai, Muzvare Thokozani Khupe nasachigaro webato iri VaLovemore Moyo.
Vatungamiri ava vaive vasipo pakaparurwa mubatanidzwa wemapato anopikisa neMugovera.
Vachibvunzwa kuti vatungamiriri vebato reMDC vari kuwirirana here nezvemubatanidzwa, VaTsvangirai vati vakaita chibvumirano sebato chinosunga vatsigiri nehutungamiriri hwese.
Mhirizhonga yakaitwa kubato reMDC T iyi yasvorwawo zvikuru nemasangano ano kurudzira runyararo munyika.
Mutungamiriri weZimbabwe Peace Project, Muzvare Jestina Mukoko vati havatarisire kuti kusawirirana mumapato ezvematongerwo enyika kugadziriswe nemhirizhonga kunyanya nyika yadongorera sarudzo dziri kutarisirwa kuitwa gore rinouya.
Kunyangwe zvazvo VaTsvangirai vati bato ravo hari kurudziri mhirizhonga, Muzvare Mukoko vati matanho achatorwa nebato reMDC-T kune vakaita mhirizhonga ndiwo acharatidza kuti bato iri rakamira papi panyaya yemhirizhonga.
MDC T yakabatana nemamwe mapato matanhatu nemugovera kuumba mubatanidzwa weMDC Alliance, uyo uchakwikwidzana neZanu PF musarudzo dza 2018 uchi tungamirirwa naVatsvangirai.
Mutungamiri weMDC-T uyu atiwo vanhu vakaita mhirizhonga iyi vanoda kusvibisa zita rebato pamwe nemubatanidzwa uyu asi vati izvi hazvisi kuzobudirira.
Facebook Forum