Accessibility links

Breaking News

Vakaremara muMDC-T yaVaChamisa Vonyunyuta Kuti Havasi Kupiwa Mukana muSarudzo


Nhengo dzeMDC-T inotungamirirwa naVanelson Chamisa dzinoti dziri kusiiwa kunze munyaya dzesarudzo
Nhengo dzeMDC-T inotungamirirwa naVanelson Chamisa dzinoti dziri kusiiwa kunze munyaya dzesarudzo

Dzimwe nhengo dzeMDC-T inotungamirwa naVaNelson Chamisa dzakaremara dzinoti bato iri harisi kuzadzikisa chivimbiso charo chekupa zvimwe zvigaro kune vakaremara.

Nhengo idzi dzinoti bato ravo rakavimbisa kuvachengetera dzimwe nzvimbo kuti vamire musarudzo sezvarakaita vechidiki nemadzimai.

Mumwe wevanomiriria vakaremara muMDC-T muMasvingo, VaHenry Chivhanga, vanoti nhengo dzavo dziri kunyunyuta zvikuru nekusapuwa mukana wekuti vamiririre bato ravo mumakanzuru, muparamende pamwe nekuseneti.

“Ichokwadi vanhu havasi kufara especially kuma councillors, vakaita ma applications avo hapana kana ward imwe yaka resevhewa for people with disabilities saka ivo vari kugunun’una chose asi chatinoziva template riri very clear yakapa chikamu kune vechidiki ne madzimai huye kune vane ma disabaility asi hazvisati zvazadzikiswa, asi tinoziva ma primary eections achiri kunderera mberi tinotarisira kuti chisungo chichazadzikiswa”

VaChivhanga vanoti muMasvingo, vanhu vakanyora tsamba dzekupinda musarudzo vakamirira vakaremara vaifanira kusiirwa mawadhi avo kana dunhu ravo asi izvi zvinonzi hazvisi kuitwa sezvo mudunhu makangowanikwa munhu mumwe chete kwaChivi.

Pastor Cover Mugwadi vanotiwo havasi kufara vachiti zvinoratidza kuti bato ravo harisi kukoshesa vanhu vakaremara.

“Chatiri kuchema-chema nacho ndechekuti havasi kuva clear, pavakagoverana ma ward, vakagovera vachiti quota system youth, madzimai kwakati kwakwati, disability haina kuwana anything muparamende. Only one Chivhanga aka dhimanda patakaita meeting naPresident Chamisa ende tiri kuvabvunza vari kungo tsenga-tsenga mukanwa nezvazvo.”

Vakaremara ava vanoti vakasabatwa zvakanaka pasarudzo dzebato zvinogona kuzorishaisa rutsigiro kuvamwe vavo vakawanda vanovhota munyika yose.

VaChivhanga vanoti vanhu vakaremara munyika vanosvika mamiriyoni maviri uye vanokwanisa kuvhota vanosvika zviuru mazana masere, hunova huwandu hwavanoti hunogona kuhwinisa bato pasarudzo.

Asi vanoona nezve vakaremara muMDC-T, VaDenis Mudzingwa, vanoti sezvo sarudzo dzichiri kuitwa, zvichemo izvi zvinogona kugadziriswa.

“Zvinogona kuva zviri kuitika ndezvekuti vamwe vanenge vari mumusangano muma provinces vanogona kusava neruzivo kuti vane ma disabilities vane kota yavo saka ticharamba tichitaura na national chairman avo vanotungamirira nyaya dze ma elections ku party kuti vanyorere vema provinces tsamba vachivaudza nezvekota iyi.”

Vakaremara vave nemakore akawanda vachiti kana muhurumende havasi kupihwa mukana sezvinoitwa kune dzimwe nyika.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG