Accessibility links

Breaking News

MDC T Yoparura Hurongwa Hutsva Hunoisa Masimba Mairi

Munyori mukuru weMDC T, VaDouglas Mwonzora (Sebastian Nyamhangambiri for VOA)
Munyori mukuru weMDC T, VaDouglas Mwonzora (Sebastian Nyamhangambiri for VOA)

Bato reMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai neSvondo rakapeta musangano waro wemazuva matatu wekuronga zvarichaita kubva mugore rino ra2015 kusvika mugore ra 2018 pachaitwa sarudzo dzekutsvaga mutungamiri wenyika.

Munyori mukuru weMDC T, VaDouglas Mwonzora, vanoti musangano uyu, uyo wakapindwa nehutungamiri hwese hwebato, uye wakasunga kuti bato harifanirwi kuramba richiita semaitiro araimboita kare ekuita zvinhu zvisina kurongeka.

Musangano uyu wakasungawo kuti gore rino rinzi igore rekuronga sezvo bato iri riri kuti rava kuronga zvemhando yepamusoro muitiro waro. Gore rinouya ra 2016 riri kunzi ndere kuvaka musangano nekuusimbaradza zvichitevera kupatsanuka kwarakaita gore rapera.

MDC-T inotiwo gore ra2017 richanzi igore rekutora masimba ekutonga pamberi pesarudzo dzichaitwa muna 2018.

Gore ra 2018 rinonzi ndere kukombera zvirongwa zvose zvebato pamwe nekuperekedza VaTsvangirai kumuzinda wemutungamiri wenyika sezvo bato iri riri kuti richakunda zvine mutsindo musarudzo dzichaitwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vanoongorora zvematongerwo enyika uye vachitsigira bato reZanu PF, VaMorris Ngwenya, vanoti havaone MDC-T ine chainobura kubva muhurongwa hwayo hwose uhwu sezvo yatoratidza kare kuti yanga ichishanda isina hurongwa mumakore ayakwikwidza musarudzo aya.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:39 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

This item is part of
XS
SM
MD
LG