Accessibility links

Breaking News

MDC Renewal Team Yoronga Kuita Kongiresi Muna Gunyana

Bato reMDC Renewal harisati raita musangano wekongiresi kubva paraumbwa
Bato reMDC Renewal harisati raita musangano wekongiresi kubva paraumbwa

MDC Renewal Team inoti yasunga kuti iite musangano wayo mukuru wekongiresi gore rino, uye kushanda pamwe nemamwe mapato pamwe nemasangano ane maonero mamwe chete nayo, murwendo rwayo rwekuburitsa vana veZimbabwe muhutapwa hwenhamo yainoti vakaiswa nebato reZanu PF.

Mutauriri weMDC Renewal Team, VaJacob Mafume, vanoti musangano wekomiti yepamusoro waitwa kuBulawayo, wakurukurawo nezvenzara yakatarisana nenyika, pamwe nemamiriro akaita zvinhu munyaya dzehupfumi nemagariro.

VaMafume vanoti hurongwa hwavepo ndehwekuti vabude nehwaro hwavachafamba nahwo mukuronga kuti vakwanise kuita kongiresi yavo muna Gunyana gore rino.

Vanoti musangano uyu wakurukurawo zvakare kudzingwa kwenhengo dzavo kubva mudare reparamende.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

This item is part of
XS
SM
MD
LG