Accessibility links

Breaking News

Mutungamiri weMDC VaChamisa Voronga Kupa VaMnangagwa Nguva Pfupi Yekuita Nhaurirano


Mutungamiri weMDC, VaNelson Chamisa.
Mutungamiri weMDC, VaNelson Chamisa.

Mutungamiri webato reMDC VaNelson Chamisa vanoti vachapa mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nguva shoma-shoma yekuti vabvume kuita nhaurirano nenzira yakafanira vachiti kana vakaramba izvi ivo VaChamisa vachatungamira ruzhinji rwenyika mukuvabvisa pahutungamiri nenzira iri pamutemo.

Zvisineyi nekupisa kwange kuchiita kunze nhasi, zviuru zvevatsigiri vebato reMDC zvazadza nhandare yeMkoba Stadium kuti zvinzwe VaChamisa vachitaura. Pasvika VaChamisa munhandare vamwe vevanovachengetedza vamboita dambudziko sezvo vanhu vakawanda vange vachida kuswedera pedyo navo kuti vanyatsovaona.

Mumashoko avo kuvatsigiri vavo, vaChamisa vati zviri pachena kuti matambudziko ari munyika ari kukonzerwa nemakakatanwa aripo pamusoro pezvematongerwo enyika, vakati vanobvuma kuita nhaurirano asi nhaurirano idzi dzinofanirwa kutungamirwa nevanhu vasina divi ravakarerekera kwete ivo VaMnangagwa pachavo.

Vati zviri kuitika munyika pari zvino zvakangofanana nekuti mune hurumende mbiri sezvo ivo vakasarudzwa nevanhu vanosvika mamiriyoni maviri nezviuru mazana matanhatu, ukuwo VaMnangagwa vakanzi nedare reConstitutional Court ndivo vanofanirwa kuve mutungamiri wenyika.

Vati nyika haingaendereri mberi iri mumatambudziko airi vachitiwo vari kuzopa VaMnangagwa nguva shoma yekuti vabvume kupinda munhaurirano nenzira yakanaka vakatiwo kana izvi zvikakona vachatungamirira ruzhinji mukubvisa VaMnangagwa pahutungamiri nenzira iri pamutemo.

VaChamisa vashora kwavati kushandiswa kwevechiuto mukupinda mune zvematongerwo enyika, vakakumbira vanhu kuti vambonyarara senzira yekurangarira vanhu vakaurayiwa pakuratidzira kwakaitika musi wa 1 August gore rakapera uyewo vakauraiwa pakuvharwa kwakamboitwa makambani vanhu vachiratidzira munyika mwedzi wapera.

VaChamisa vashorawo VaMnangagwa nemashoko avakataura kuMwenezi ekuti vanogona kutumazve masoja kuti apindire mukuunza runyararo munyika vachiti kuita kwakadai kunogona kuti VaMnangagwa vagone kuzopomerwa mhosva dzekuponda vanhu.

VaChamisa vapeta musangano wavo vachitaura pamusoro peCongress yebato ravo, iyo ichaitwa muna Chivabvu gore rino, vachiti ivo semunhu anotevera gwara rehutongi hwejekerere vakazvipira kusiya chigaro chehutungamiri kana vatsigiri vavo vakavati vasiya.

Asi mushure memashoko aya, vanhu vange vari pamusangano uyu vaita ruzha rukuru vachiratidza kuti vanotsigira VaChamisa.

VaRichard Musekiwa vanove kanzura muguta reMasvingo ndeimwe yenhengo dzeMDC dzange dziripo pamusangano uyu uye vati vanotsigira gwara raVaChamisa.

Musangano wanhasi ndiwo musangano waVaChamisa mukuru wekutanga wegore rino munyika uye vati vaita musangano uyu kuti vazivise vastigiri vavo kuti vakananga kupi semusangano.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG