Accessibility links

Breaking News

Munyori Mukuru weMDC Anoti Haasi Kufara neMabatirwo Ari Kuitwa Nyaya dzeVakasungwa muMhirizhonga


Munyori mukuru weMDC, VaDouglas Mwonzoravanoti vakashanyira jeri rekuChikurubi uye kudare ramejasitiriti muHarare.

Munyori mukuru webato reMovement for Democratic Change VaDouglas Mwonzora vanoti havasi kufara nemabatirwo ari kuitwa nyaya dzevanhu vakasungwa kumatare avo vanonzi vari kukurumidzwa kungotongwa magweta avo asina kana kupihwa mukana wekugadziririra.

VaMwonzora vakashanyira vasungwa ava kuChikurubi uye kudare ramajastiriti muHarare.

Mutungamiri webato ravo VaNelson Chamisa nemusi weMugovera vakaendawo kuChitungwiza uko kwairadzikwa VaTinashe Choto vakapfurwa nemauto.

Sangano ravanachiremba reZimbabwe Doctors for Human Rights vanoti vanhu gumi nevaviri vafa kusvika parizvino nekuratidzira kwakatanga nemusi weMuvhuro svondo rapera.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:23 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG