Kongiresi yeMDC mudunhu reMasvingo neChipiri yakadoma mutungamiri webato, VaNelson Chamisa, kuti vakwikwidze pachigaro chemutungamiri webato. Kongiresi iyi yadomawo VaElias Mudzuri kuti vave mumwe wevatevedzeri vemutungamiri webato.
Sarudzo yekuMasvingo ndiyo yakadoma kekutanga VaMudzuri kuti vave mumwe wevatevedzeri vemutungamiri webato.
Vamwe vakadomwa sevatevedzeri wemutungamiri webato ndiVaMorgen Komichi naVaWelshaman Ncube.
Muzvare Tabhita Khumalo vakadomwa pasina anovakwikwidza kuti vave sachigaro webato, ukuwo VaAmos Chibaya ndivo vakadomwa kuti vaite murongi wemusangano.
VaLuke Tamborinyoka ndivo vakadomwa kuti vave mutauriri webato.
VaChalton Hwende vakadomwa kuti vakwikwidze chigaro chemunyori mukuru webato, ukuwo VaDavid Coltart vakadomwa kuti vakwikwidze chigaro chemubati wehomwe.
Nhengo yeCitizen Alliance, VaJoel Mugari, avo vakange vachikokera sarudzo mudunhu reMasvingo, vakati hurongwa hwenominesheni hwakafamba zvakanaka.
Musarudzo dzekutungamirira dunhu reMasvingo, VaJames Gumbi, vakakunda VaSimon Mupindu.
Sarudzo idzi dzakatanga neMuvhuro dzikapera zuva rodoka neChipiri ezvo pakamboita kunetsana pakusarudzwa kwevanhu vaifanirwa kuvhota vamwe vachiti sarudzo dzematunhu mamwe hadzina kuitwa zvakanaka.
Pakamboita kakunyunyuta kwevatsigiri vaVaMupindu avo vakanga vachiti vakabirirwa asi zvakazogadziriswa.
VaChibaya, avo vakaitisa sarudzo yedunhu, vakati sarudzo dzakaitwa zvakanaka vakatiwo vakanonotswa kupedza nehuwandu hwevanu vakauya kusarudzo.
VaGumbi, avo vakakunda musarudzo idzi, vakatambira zvabuda musarudzo nemufaro vachiti vachashanda kubatanidza vatsigiri vavo kuti bato ravo rizokunda musarudzo dzenyika.
VaGumbi vachange vachitevedzerwa naVaSimon Ziki, munyori webato vari VaErium Musendekwa, mutauriri webato ari VaDereck Charamba, uye madzimai achange achitungamirirwa naAmai Nyaradzo Mago.
Facebook Forum