Accessibility links

Breaking News

VaNelson Chamisa Votungamira Zviuru zveVanhu Mukuratidzira muHarare


vatsigiri veMDC vachiratidzira

Zviuru nezviuru zvevanhu zvaratidzira muguta reHarare zvichinyunyuta nekuoma kwehupenyu munyika mukuratidzira kwanga kwakarongwa nebato reMDC.

Vachitaura mushure mekuratidzira uku, mutungamiriri weMDC VaNelson Chamisa vati chinangwa chavo chikuru changa chiri chekuratidza kuti mutungamiriri wenyika VaEmmerson Mnangagwa havasi ivo vakasarudzwa neruzhinji musarudzo dzakaitwa munaChikunguru dzekutsvaga achatungamira Zimbabwe.

VaChamisa vatiwo kuratidzira uku inongova nzwisa chete, vakati kana matambudziko akatarisana nenyika akasagadziriswa vana veZimbabwe vacharamba vachiratidzira mumigwagwa.

VaChamisa, avo vati nhengo dzebato ravo dzasvitsa tsamba yenyunyuto kudare reparamende, kuSADC nekuAfrica Union, vakatiwo matambudziko akadai sekushaikwa kwemafuta ekufambisa dzimotokari, kushaikwa kwemari nemamwe matambudziko akatarisana nenyika zvinopera chete kana munyika maita nhaurirano.

Vatiwo bato reZanu PF harigoni kuendesa nyika mberi, vakawedzera vachiti vanoda kuti vanhu, kusanganisira vashandi vehurumende, vawane mihoro nemari yekunze uye kuti dzimwe mari dzemitero dzibviswe.

Mukuru wevechidiki mubato reMDC, VaHappymore Chidziva vatsinhirawo vakati sevechidiki havasi kuzoneta mukuvaka ramangwana ravo. Vati kana zvido zvevechidiki zvikasagadziriswa vachagara mumigwagwa.

Muzvare Shupikai Mtizwa, avo varatidzirawo, vaudza Studio 7 kuti kutambura ndiko kwavasunda kuti vabatane nevamwe mukuratidzira uku.

VaTonderai Nemaramba vanga varipowo pakuratidzira vachemachema nekushaikwa kwemabasa munyika vachiti nhamo iri kurova vechidiki yave kuvachembedza.

MDC inoti inoda sarudzo dzakajeka munyika uye yati haizombocherechedza VaMnangagwa semutungamiriri wenyika.

Kuratidzira uku kwaitika murunyararo asiwo mapurisa nemotokari dzinomwaya mvura zvanga zvakadyarwa mukati meguta mose.

Asi kunyangwe hazvo bato iri range richiratidza kubatana, mumwe mutevedzeri webato iri VaElias Mudzuri, avo vakaenda kuState House nemusi weMuvhuro vakasangana navaMnagagwa, vasvevereredzwa nevechidiki vebato iri apo vasvikawo panga pakaungana vanhu apa.

Asi VaMudzuri vati vakaenda kumusangano naVaMnangagwa uyu senhengo yedare reSenate.

Nyaya ina Rutendo Mawere
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:48 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG