Accessibility links

Breaking News

Nhengo dzeMDC Alliance kuChinhoyi Dzinoti Dziri kuParadzirwa Midziyo


Hutungamiri hweMDC Alliance
Hutungamiri hweMDC Alliance

Nhengo dzeMDC Alliance dzinoti midziyo yadzo yadzinoshandisa kuti dziwane mari iri kupazwa nevanhu vanofungidzirwa kuti inhengo dzeZanu PF.

Imwe nhengo yevechidiki, VaBatanai Muvangwa, avo vari kushanda kutsvaka rutsigiro rwemutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, nakanzura wewadhi 13 muChinhoyi, VaBlackmore Nyangaira, vanoti motokari yavo yaida kupiswa nevanhu vanofungidzirwa kuti ndeveZanu PF.

VaMuvengwa, avo vanogadzira nekutengesa bhutsu, vanoti vamwe vanhu ndivo vakazodzimura moto wainge uchipisa motokari yavo yainge iyine zvinhu zvavo.

VaMuvengwa vanoti motokari yavo yakapiswa nenyaya dzezvematongerwo enyika sezvo vainge vakaisa mifananidzo yaVaChamisa nenhengo yeMDC Alliance muChinhoyi, VaPeter Matarutse.

VaMuvengwa vanoti mhirizhonga yave kuda kuitika inotyisa sezvo vanhu ava vachazoda kuparadza hupenyu hwavo.

VaMuvengwa vanoti mapurisa ari kuedza kuita basa ravo nemazvo sezvo ari kuferefeta nyaya yekupisirwa zvinhu zvavo nekukurumidza kudarika zvavaiita nguva yakare.

VaNyangaira vanoti zvakaitika hazvina kunaka sezvo vanhu vachifanirwa kutsvaka rutsigiro pasina mhirizhonga kana kuvhiringidzwa.

Chiitiko ichi chinoitika mushure mekupambwa kwenhengo yeMDC Alliance, VaEdward Dzeka, kuChegutu neMuvhuro manheru nevanhu vanofungidzirwa kuti masoja sezvo mumwe wavo ainge akapfeka nhumbi dzechiuto.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vari kukurudzira kuti munyika muve nerunyararo munguva yesarudzo, asi kurudziro iyi inenge isiri kutambirwa nemwoyo wese nevanhu vemubato ravo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG