Accessibility links

Breaking News

VaClaris Madhuku Vanoshungurudzwa neMapurisa


Paramende yeZimbabwe
Paramende yeZimbabwe

Mukuru wesangano revechidiki rePlatform for Youth Development Trust, VaClaris Madhuku, vanoti neChipiri vakarambidzwa kupinda mudare repamande nevavanofungidzira kuti vasori.

Vanoti vakanga vaenda mushure mekukokwa nekomiti yeparamende inoona nezvevechidiki pamwe nekuendeswa kweupfumi kutavema inotungamirirwa nemumiriri weGokwe-Nembudziya uye vari nhengo yeparamende, VaJustice Mayor Wadyajena.

VaMadhuku, avo vanoti vakagara mumaoko emapurisa paHarare Central Police Station kwemaawa mana, vanoti vakabvunzurudzwa uye vachinzi vaida kukanganisa mafambiro ebasa muparamende pamwe nekuvenga mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe.

VaMadhuku vanoti mushure mekubvunzurudzwa nevasori pamwe nematikitivha vanosvika kumakumi maviri, vakazoregwa vachienda asi vanhu ava vakasara nenharembozha yavo.

Nharembozha iyi vanoti vazoipiwa neChitatu mushure mekukomekedzwa kuti vasadyidzana nevanhu vanonzi vari kuda kubvisa VaMugabe pachigaro nechisimba.

Studio 7 haina kukwanisa kunzwa divi remapurisa panyaya iyi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG