Accessibility links

Breaking News

Vashandi , Vashandirwi Vopesana paBhiri Richavandudza Mutemo weMabasa neVashandi


Muzvinafundo Lovemore Madhuku
Muzvinafundo Lovemore Madhuku

Gweta riri kumirira vashandi veZuva Petroleum vakadzingwa basa, Muzvinafundo Lovemore Madhuku, vanoti vanotambira nemaoko maviri bhiri rehurumende iro riri kuda kuvandudza mutemo wevashandi nemabasa.

Bhiri iri riri kutarisirwa kununura vashandi vanodarika makumi maviri ezviuru avo vanonzi varasikirwa nemabasa kusvika pari nhasi zvichitevera mutongo wakapiwa nedare reSupreme Court mwedzi wapera.

Bhiri iri riri kutarisirwa kupinda mudare reparamende nemusi we Chipiri, rozonzwikwazve mudare reseneti nemusi weChina.

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vanozotarisirwa kuisa runyoro rwavo pabhiri iri chero nguva kubva nemusi weChishanu kuti uve mutemo.

Kana rave mutemo, bhiri iri rinotarisirwa kubatsira vashandi vakadzingwa mabasa vakaenda vasina chekupukutisa dikita, kuti vakwanise kupiwa mihoro yemasvondo maviri pamagore roga-roga ravakagara pabasa.

Muzvinafundo Madhuku, avo vanotungamirawo bato reNational Constitutional Assembly, NCA, vanoti chakangoipa chete pabhiri iri ndechekuti riri kuda kuti vashandi vakamiswa mabasa vapiwe mari shoma kana pachitariswa zvavakaitira makambani akavamisa mabasa aya.

“Mutemo wakanaka chose,” Muzvinafundo Madhuku vanodaro. “Ndizvo zvatagara tichifunga kuti mutemo wedu unofanirwa kuita.”

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi mukuru wesangano revashandirwi reEmployers Confederation of Zimbabwe, EMCOZ, VaJohn Mufukare, vanoti bhiri iri ramhanyiswa zvakanyanya pasina kutarisiswawo huipi hwaro, izvo zvichaita kuti vanoda kusima mari dzavo munyika vasauye.

“Handizvo zvakataurwa nemutungamiri wenyika VaMugabe pazuva rekucherechedza magamba,” vanodaro VaMufukare. “Tinofunga kuti pane zvizhinji zvaifanirwa kutanga zvatariswa kuitira kukwezva vanoda kupinda munyika.”

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:37 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG