Accessibility links

Breaking News

IMF Yofadzwa neHurongwa hweZimbabwe hwekuBhadhara Zvikwereti Zvayo


Gurukota rezvemari VaPatrick Chinamasa
Gurukota rezvemari VaPatrick Chinamasa

Sangano reInternational Monetary Fund kana kuti IMF rinoti rinofara chose kuti hurumende yeZimbabwe yave nehurongwa hwekugadzirisa chikwereti chayo nemasangano nemabhanga akaita seWorld Bank pamwe nemamwe masangano ekunze anopa rubatsiro.

Vachitaura neChitatu mushure mekupedza kuongorora chirongwa cheZimbabwe cheStaff Monitored Program, vari kutungamira chikwata cheIMF chiri kushanya muZimbabwe, VaDominique Fanezzi vati Zimbabwe yakakwanisa kuita izvi zvisinei nekuti zvinhu hazvina kumira zvakakana munyaya dzehupfumi munyika.

Vati hurongwa hweZimbabwe hwekubhadhara zvikwereti zvayo zvekunze hwakanaka chose uye ichange ichitsvaga rutsigiro kunyika dzaine zvikwereti nayo nedzimwe dzinopa rubatsiro pamusangano wepagore weIMF neWorld Bank uyo uchaitwa kuLima, Peru mwedzi unoouya.

VaFanezzi varumbidzawo hurumende yeZimbabwe nehurongwa hwayo hwekugadzirisa mashindisiro ainoita mari pamwe nekuderedza vashandi vayo.

Vati izvi nezvimwe zviri kuitwa nehurumende zvichatora nguva yakareba vanhu vasati vaona pundutso.

Gurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa, vati vachatuma chikwata chavo kuEurope kunotsvaga rutsigiro pahurongwa hwekugadzisirisa zvikwereti zvenyika.

Chikwata ichi chichange chichitungamirirwa nemukuru webhanga guru reRBZ VaJohn Mangudya.

VaMangudya vatiwo vave kutotarisa mberi pamwe nekuti masangano akaita seIMF, neWorld Bank achitange kutsigira Zimbabwe nemari.

Zimbabwe inechikwereti chinodarika mabhiriyoni manonwe kumasangano akaita neIMF, World Bank nemamwe mabhanga nenyika dzekunze.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:01:22 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG