Accessibility links

Breaking News

Vagari vemuKariba Vooneswa Chitsvuku neMakudo


Makudo anonzi anetsawo mumisha yeVictoria Falls
Makudo anonzi anetsawo mumisha yeVictoria Falls

Vagari vemuKariba kuMashonaland West vanoti havachina mufaro sezvo vari kuoneswa chitsvuku nemakudo, ayo ari kurura zvekupinda mudzimba dzavo.

Vagari ava vanoti chinoshamisa ndechekuti makudo aya ave kugona kuvhura magonhi edzimba achitsvaka zvekudya zvakaita sehupfu, chingwa, michero pamwe nezvese zvinodyika zvaanokwanisa kuwana.

Ambuya Maggie Chirinda vanogara mumusha unogara veruzhinji weNyamhunga vanoti makudo aya anopinda mudzimba dzavo kunyange ivo varipo kana vakasiya gonhi risina kuvharwa zvakanaka.

Mumwe mugari wemuKariba VaObert Dzwengwe vanotsigira zvataurwa naAmbuya Chirinda vachiti ichokwadi kuti mamwe makudo ave kugona kuvhura gonhi achitsvaka zvekudya mudzimba.

VaDzwengwe vanoti dzimwe nguva makudo anorwisa vanhu nekuvatorera zvekudya zvinenge zviri pachena.

Izvi zvinotsigirwa naAmai Gwendolyn Chimanga avo vanoti havachatume vana kuchitoro sezvo makudo achibvutira vana zvekudya nguva dzakawanda.

Amai Tarehwa vanotengesa zvekudya mumugwagwa vanoti vakatovakira nzvimbo yavanotengesera newaya senzira yekuchengetedza zvinhu zvavo kubva kumakudo aya.

Makudo aya anonzi nguva dzakawanda anotambirawo pamusoro pedzimba apo anokanganisa madhishi ezvivhitivhiti kana kuti masatellite dish.

Vagari vemuKariba vanoti hapana zvavanokwanisa kuita makudo aya kunze kwekuatandanisa nekuti vakawanda vakasungwa mushure mekukuvadza makudo kana imwe mhuka zvayo.

Amai Tarehwa vanoti vashandi veParks and Wildlife vanoti vagari vemuKariba vanofanirwa kugarisana nemhuka sezvo vari ivo vakauya kuzogara kunzvimbo inochengeterwa mhuka.

Mashoko aAmai Tarehwa atsinhirwawo zvakare nemumwe mushandi weParks and Wildlife asina kuda kudomwa nezita sezvo asingabvumirwe kutaura nevatori venhau.

Mushandi uyu ati vagari vemaguta ari munogara mhuka vanofanirwa kugarisana nemhuka nekuti vari pedyo nemasango.

Nyanzvi munyaya dzemhuka dzinoti nyaya yekuvakwa kwemisha pedyo nemasango inopa kuti mhuka dzemusango dzishaye zvekudya zvinozopa kuti dzigume dzopinda mudzimba.

Vamwe vanhuwo vanonzi vanokandira mhuka chikafu zvinozopa kuti dzijairirane nevanhu.

Vamwe vanotiwo vebazi rezvekuchengetedzwa kwemhuka reParks vanofanira kuuraya mamwe makudo kana awandisa kana kuatamisa kuenda kune dzimwe nzvimbo dzine zvekudya.

Nyaya ina Arthur Chigoriwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG