Sangano rinorwira kodzero dzevanhu reHeal Zimbabwe Trust, raburitsa gwaro rinotaridza huwandu hwekutyorwa kwekodzero dzevanhu mumwedzi uno.
Gwaro iri riri kutaridza kuti kwakava nenyaya dzemhando idzi dzinosvika makumi maviri neina, mumatunhu anosvika gumi nemanomwe munyika yose.
Mukuru wekufambiswa kwemashoko muHeal Zimbabwe Trust, VaRawlings Magede, vanoti vakaona kumbunyikidzwa kwevanhu mukutyisidzirwa nekurohwa, kunyimwa rubatsiro rwunopiwa vamwe rwakaita sezvekudya, uye kumanikidzwa kuburitsa matsamba anoratidza kuti munhu akanyoresa kuvhota musarudzo dziri kuuya.
VaMagede vanoti tsvakurudzo yesangano ravo inotaridza kuti kutyisidzirwa kwevanhu kuchiri kuramba kuchienderera mberi munyika, kunyange hazvo paine kurudziro kubva kumutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa, pamwe nasachigaro weZanu PF, Amai Oppah Muchinguri-Kashiri kuti vanhu vasiyane nemhirizhonga.
Vanotiwo kutyorwa kwekodzero dzevanhu nemutowo wekutyisidzirwa uku kuri kutora zvikamu makumi masere kubva muzana zvichienzaniswa nedzimwe nzira dzekutyorerwa kodzero.
Facebook Forum