Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau, Chitatu Gumiguru 21 2015


Studio 7
Studio 7

Nhengo dzedare reparamende dzinobudirira mukurwisa kwadzo kuti makore emwanasikana anonzi abvuma kuita zvepabonde akwidzwe kubva pamakore gumi nemaviri kuenda pamakore gumi nematanhatu.

Vadzidzi vepachikoro chepamusorosoro cheUniversity of Zimbabwe vari kuita zvidzidzo zvekurapa vanotarisa pasina muripo vane zvirwere zvisingatapuriranwe zvakaita seBP neshuga, izvo zvinonzi zviri kuuraya vanhu vakawanda muchinyararire.

Sangano reZimbabwe Peace Project rinoti nyaya dzekushandiswa kwechikafu munyaya dzezvematongerwo enyika dziri kuwanda munyika.

Mukuenderera mberi tichitarisa mamiriro akaita zvinhu munyika, nhasi tiri kuenderera mberi tichikupai hurukuro yakaitwa naBlessing Zulu weStudio 7 nemutungamiri webato rinopikisa reRenewal Democrats of Zimbabwe, VaElton Mangoma.

Muchirongwa cheLivetalk na 8:30 pm tiri kutarisa nezvekurudziro yenhengo dzeparamende yekuti makore ekuti mwana anzi abvuma kuita zvepabonde akwidzwe kubva pagumi nemaviri kuenda pagumi nematanhatu.

Iyi ndiyo misoro yenhau dzedu dzanhasi...munotibata pa 909 am, 4930, kana pa 12080, ne 15460 Kilohertzs pa Shortwave kana paFacebook peji yedu yeVOAShona.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:45 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG