Accessibility links

Breaking News

MDC T Yoshoropodza Kuenda kwaVaMugabe kuMusangano weG20


Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe
Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe

Bato reMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, rinoti rinokatyamadzwa zvikuru nedanho remutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, rekusarudza kuenda kumusangano weG20 uri kuitirwa kuAntalya kuTurkey iyo nyika isina mari.

Mutauriri weMDC T, VaObert Gutu, vanoti kunyange hazvo VaMugabe vari ivo sachigaro weAfrican Union hazvirevi kuti kwese kwaitwa musangano vanosungirwa kunge variko.

Nhepfenyuro yeZBC inoti VaMugabe, avo vakaenda nemudzimai wavo pamwe nevamwe vakuru muhurumende vakakokwa nemutungamiri weTurkey Recep Tayyip Erdogan sasachigaro weAfrican Union.

Musangano weG20 uyu unobatanidza nyika makumi maviri dzine upfumi hwakasimba dzepasi rino kusanganisirawo South Africa, inove ndiyo chete nyika yemuAfrica iri mugungano iri.

“Kune zvimwewo zvaunoti veduwe, maita zvenyu nekundikoka kwamaita asi iiih, iye zvino ndakabatikana.” VaGutu vanodaro.

VaGutu vanoti kukokwa kwakaitwa VaMugabe uku havana kupiwa mari kana ndege yekushandisa asi kuti vakangonzi mouya muchishandisa mari yenyu.

Dzimwe nyika dziri kugungano iri dzinosanganisira United States, Japan, Brazil, Canada, Australia pamwe nesangano reEuropean Union.

Dzimwe nyanzvi munyaya dzematongerwo enyika dzinoti VaMugabe munhu akwegura anofanirwa kugara ari munyika achisiya vane dzinobuda ropa vachifambisa basa renyika.

VaMugabe vari kusvitsa makore makumi mapfumbamwe nemaviri muna Kukadzi gore rinouya.

Nyaya yehutano hwavo imwe yezvinhu zviri kukatyamadza vakawanda kuti seyi vari kuramba vari pachigaro pane kuti vaende kumudyandigere.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG