Accessibility links

Breaking News

Vakadzingwa muZanu PF, VaTsenengamu, Vanoparura Bato Idzva reFront for Economic Emancipation in Zimbabwe


VaGodfrey Tsenengamu vaparura bato rezvematongerwo enyika reFront for Economic Emancipation in Zimbabwe, kana kuti FEEZ
VaGodfrey Tsenengamu vaparura bato rezvematongerwo enyika reFront for Economic Emancipation in Zimbabwe, kana kuti FEEZ

Vaimbova murongi wemisangano muboka revechidiki reZanu PF, VaGodfrey Tsenengamu, neMugovera vaparura bato ravo rezvematongerwo enyika reFront for Economic Emancipation in Zimbabwe, kana kuti FEEZ vachiti bato ravo richatorera vakuru-vakuru muZanu PF pamwe nemuhurumende mapurazi rogovera kune veruzhinji vasina minda.

Vachitaura pavaparura bato raeFEEZ muHarare nhasi, vakafanobata chigaro chevanoona nezvekufambiswa kwezvinhu mubato iri vakamirira kuita kongiresi, VaGodfrey Tsenengamu, vati bato ravo rinomirira nyaya dzegutsaruzhinji kwete kuti vashoma vari mubato riri kutonga pamwe nemuhurumende vazvimbe matumbu nokudya rifa renyika veruzhinji vachinhonga svosve nemuromo.

VaTsenengamu vati bato ravo richatorera vakuru-vakuru vane mapurazi akawanda vari muhurumende pamwe nemuZanu PF rogovera mapurazi aya kune veruzhinji vasina kuwana minda pachirongwa chekugoverwa kwevhu richibva kuvarimi vechichena richiendeswa kuvanhu vatema.

VaTsenengamu vashora kusamira zvakanaka kwakaita hupfumi hwenyika vachitii zviri kukonzerwa nekutadza kutungamiri kwebato reZanu PF pamwe nehuori hwatekeshera munyika vachiti bato ravo richashanda zvakasimba kurwisana nehuori. Semuenzaniso, VaTsenegamu vadoma muzvinabhizimusi VaKuda Tagwirei semunhu ari kuita huori hwakanyanya munyika avo vavati ndivo muridzi wemigodhi nemabhizimusi mazhinji munyika.

Vashorwo hurumende yeZanu PF nekupa zvizvarwa zveChina neBelarus mabhizimusi akawanda munyika asi zvizvarwa zveZimbabwe zvisina chazviri kuwana vachiti vekunze ava ndivo vari kungomora zvicherwa zvenyika asi zvizvarwa zveZimbabwe pasina kana kobiri razviri kuwana mazviri.

VaTsenengamu vashora hurumende nekurambidza mapato anopikisa kuungana asi ivo vachiita madiro aJojina pakuita misangano nevatsigiri vavo. Vati mitemo yenyika inofanira kushandiswa zvakaenzana kwete kuti patariswe kuti munhu anenga abuda mumba maani.

Hatina kukwanisa kutaura nevakafanobata chigaro chemutauriri weZanu PF, VaMike Bimha, kuti tinzwe pavamire nezvataurwa naVaTsenegamu izvi sezvo nharembozha yavo yanga isiri kubatika.

Pakuparurwa kweFEEZ nhasi panga paine vakokwa vabva kumapato anopikisa akasiyana-siyana kunyange hazvo bato reMDC Alliance risina kuzotumira mumiriri waro pachiitiko ichi.

Vanga vakamirira MDC-T inotungamirwa naVaDouglas Mwonzora, VaBenovolence Taisekwa, vakurudzira kuti paite nhaurirano pakati pemapato anopikisa.

Mutungamiri webato reLabour Economists and Afrikan Democracts, Muzvare Linda Masarira, vatiwo kunyange mapato anopikisa awanda munyika, mapato aya anofanira kugara pasi oita mushandirapamwe wekubvisa Zanu PF mumasimba musarudzo dziri kuuya.

Zvichakadai, VaTsenengamu vati havasi kuzopeta maoko vachisiya bato reZanu PF richivarambidza kuita misangano nekuvavharira migwagwa kana vachienda kumisangano sezviri kuitwa mutungamiri weMDC Alliance VaNelson Chamisa. Vaanedera mberi vachiti havasi kuzorega Zanu PF ichibirira sarudzo.

Zvichakadai, VaTsenengamu, avo vabatabata nyaya dzakawanda dzinosangarira kushayikwa kwemabasa, kushungurudzwa kwevaimbo varwi vehondo yerusununguko, kusamira zvakanaka kwehupfumi nezvimwe, vakumbira ruzhinji rweZimbabwe kuti rwuvaregere pane zvavakatadzira ruzhinji zvinosanganisira kushungurudza kwavanoti vakaita vemapato anopikisa vasati vadzingwa muZanu PF.

VaTsenengamu vatiwo vari kutarisira kuti bato ravo richaita kongiresi yaro yekutanga mwedzi unouya apo pavakatarisira kuti pasarudzwe hutungamiri hwebato iri.

Nyaya ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:06:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG