Accessibility links

Breaking News

Vanotengesera muMigwagwa Voita Bhindauko reKutengesa Mireza yeNyika


Mumwe mudzimai achitengesa mireza yenyika mumigwagwa yeHarare
Mumwe mudzimai achitengesa mireza yenyika mumigwagwa yeHarare

Vamwe vatengesi vemumigwagwa vanoti vatora mukana wekushanduka kwehurumende kutengesa zvinhu zvakadai semireza yeZimbabwe nezvimwe zvipfeko zvine ruvara rwemureza wenyika, sezvo zviri kuvapa pundutso.

Mumwe wevatengesi vemumigwagwa ava Amai Enet Mandimika vanoti bhizimusi remireza yeZimbabwe riri kufamba zvikuru uye kubva neMugovera apo pakaitwa kuratidzira muguta reHarare vanga vari kuita mari zvikuru.

Izvi zvatsinhirwawo naAmai Esinath Dube avo vanoti vakatosiya zvekuhodha zvinhu zvakadai semadomasi, muriwo nezvimwewo kuti vatengese mireza.

Mumwe mutengesi, VaArnold Chapungu vanoti shanduko iri kuitika munyika ndoyakavasunda kutengesa mireza yenyika, makepesi ane mireza yeZimbabwe pamwechete nemabhareta.

Vatengesi vemumigwagwa ava vanotiwo vari kutarisira kuti mangwana apo pachange pachigadzwa mutungumariri wenyika mutsva VaEmmerson Mnangagwa vachatengesawo zvakanyanya.

Gore rapera hurumende yakadzika mutemo unorambidza kutengeswa kwemireza yenyika, zvichitevera kushandiswa kwakanga kwoitwa mureza nemamwe masangano anopikisa hurumende senzira yekuratidza kunyunyuta kwavo.

Chimwe chizvarwa chekuChina chakasungwa gore rapera cvhakamiswa pamberi pematare mushure mekunge chawanikwa chichitengesa mireza.

Asi kubva pakatanga kuratidzira kwakamanikidza VaMugabe kusiya basa svondo rapera, zvizvarwa zveZimbabwe zvairatidzira zvaishandisa mureza pasina munhu akasungwa.

Nyaya ina Patricia Mudadigwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG