Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yotumira Chikwata kuAmerica Mukuedza Kwayo kuMutsiridza Hukama neNyika Iyi


Zimbabwe iri kutumira chikwata chichatungamirwa naVaSibusiso Moyo chinenge chiine gurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa.
Zimbabwe iri kutumira chikwata chichatungamirwa naVaSibusiso Moyo chinenge chiine gurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa.

Gurukota rezvekunze kwenyika, VaSibusiso Moyo, vari kutarisirwa kutungamirira chikwata chichabva kuZimbabwe chichishanya kuAmerica svondo rinouya.

Chikwata ichi chinosanganisira gurukota rezvemari,VaPatrick Chinamasa, pamwe nagavhuna vebhanga guru renyika, reReserve Bank of Zimbabwe, Doctor John Mangudya, nevamwe.

Munyori mubazi rezvekunze kwenyika, Ambassador Joey Bimha, vanoti rwendo urwu rwakagadzirirwa, uye rwakanangana nekusimbisa hukama hweZimbabwe neAmerica munyaya dzakasiyanasiyana.

Vanotiwo America ndiyo nyika yanga yasara pane dzavanga vachitarisira kushanyira sehurumende kubva gore rakapera pakasiya VaRobert Mugabe basa pachipinda VaEmmerson Mnangagwa.

Mumwe wemisangano yavachapinda vari kuno kuAmerica ndewekukwezva vanoda kutanga mabhizimusi munyika, weZimbabwe Investor’s Forum, uri kuitirwa kuNew York, uyo wakarongwa nekambani yeExotix Capital yekuBritain.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG