Gurukota rezvekunze kwenyika, VaSibusiso Moyo, vari kutarisirwa kutungamirira chikwata chichabva kuZimbabwe chichishanya kuAmerica svondo rinouya.
Chikwata ichi chinosanganisira gurukota rezvemari,VaPatrick Chinamasa, pamwe nagavhuna vebhanga guru renyika, reReserve Bank of Zimbabwe, Doctor John Mangudya, nevamwe.
Munyori mubazi rezvekunze kwenyika, Ambassador Joey Bimha, vanoti rwendo urwu rwakagadzirirwa, uye rwakanangana nekusimbisa hukama hweZimbabwe neAmerica munyaya dzakasiyanasiyana.
Vanotiwo America ndiyo nyika yanga yasara pane dzavanga vachitarisira kushanyira sehurumende kubva gore rakapera pakasiya VaRobert Mugabe basa pachipinda VaEmmerson Mnangagwa.
Mumwe wemisangano yavachapinda vari kuno kuAmerica ndewekukwezva vanoda kutanga mabhizimusi munyika, weZimbabwe Investor’s Forum, uri kuitirwa kuNew York, uyo wakarongwa nekambani yeExotix Capital yekuBritain.
Facebook Forum