Accessibility links

Breaking News

Vadzidzisi Vanoramba Mari Shoma iri Kuda Kuwedzerwa neHurumende


Mutungamiri wePTUZ, Doctor Takavafira Zhou
Mutungamiri wePTUZ, Doctor Takavafira Zhou

Vadzidzisi vanonzi varamba mari shomanana yavanga vanzi vapihwe nehurumende zvichiteverera nhaurirano dzakaitwa pakati pevarairidzi nehurumende nezuro.

Mamwe masangano anomirira vadzidzisi ari pasi peFederation of Zimbabwe Educators Union, kana kuti FOZEU, anoti haasi kutambira mari shomanana yaavimbiswa nehurumende munhauarirano dzaakaita negurukota rezvedzidzo yepasi VaPaul Mavhima nezuro.

Mutungamiri wesangano reProgressive Teachers Union of Zimbabwe iro riri pasi peFOZEU, VaTakavafira Zhou, vanoti hurumende yanga yati inoda kuva wedzera mari yavanotambira nezvikamu gumi kubva muzana asi vanoti mari iyi yakafanana nemutero wembwa. VaZhou vanoti vapa hurumende vhiki rimwe chete kugadzirisa zvirikunetsa kana kuti varairidzi voramwa mabasa.

VaSifiso Ndlovu vesangano reZimta vanotiwo sangano ravo harisi kutambira zvataurwa nehurumende.

Asi mutungamiri wesangano reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, kana kuti ARTUZ, VaObert Masaraure vati kunyange vambenge vakati nhengo dzesangano sangano ravo dzichange dzisiri pabasa panovhurwa zvikoro nhasi, nhengo dzesangano ravo dzichaenda kubasa asi dzichaswera dzichidziya mushana dzisingashande kudzamara hurumende yanzwa zvichemo zvavo.

Zvichakadai, VaZhou vati seFOZEU vave kutarisira kuita musangano nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa.VaMavhima varamba kutaura nezvenyaya iyi vachiti titaure nevePublic Service Commission vachiti harisi basa rehofisi yavo kutaura nezvemari dzevashandi vehurumende.

Pakavharwa zvikoro mwedzi wapera vadzidzisi vakati havasi kuzodzokera kumabasa panovhurwa zvikoro nhasi. Asi zvichitevera nhaurirano dzanezuro idzi vanoti vave kupa hurumende mazuva manomwe ekuti inzwe zvichemo zvavo kana kuti voramwa mabasa.

Varairidzi vanoti havasati vambowedzerwa mari kubva muna 2013 uye vanoti vanoda kuwedzerwa mari iyi nezvikamu zana kubva muzana vachiti hupenyu hwavawomera pamusoro pekupiwa mari dzekushanda vari kumaruwa (rural allowance) pamwe nemukana wekuenda kurivhi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:16 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG