Accessibility links

Breaking News

Vanotengesa muMigwagwa yeHarare Vonyunyuta neMabatirwo eMitero neKanzuru


Vanotengesa miriwo vanotarisirwa kubhadhara madhora matatu pazuva
Vanotengesa miriwo vanotarisirwa kubhadhara madhora matatu pazuva

Rimwe sangano revanotengesa mumigwagwa reNational Vendors Union Zimbabwe rinoti harisi kufara nehurongwa hwekanzuru yeguta reHarare hwekupa basa rekutora mari dzemitero kumasangano akazvimirira asi achimirirawo vanotengesa ava.

Mukuru weNational Vendors Union Zimbabwe VaSamuel Wadzayi vanoti danho iri richatoita kuti kanzuru itadze kuwana mari yakawanda yemitero kubva kune vanotengesa ava, sezvo paine mukana wehuwori.

VaWadzayi vanoti mamwe emasangano akapiwa basa iri ane nhoroondo dzehuwori, izvo zviri kuita kuti vafunge kuti danho iri rinofanirwa kuitwa nekanzuru pachayo.

Vanotengesa miriwo nezvimwe zviduku vanonzi vanotarisirwa kubhadhara madhora matatu pazuva, kuchitiwo vane misika yemaflea market vachitarisirwa kubhadhara madhora ari pakati pemasere negumi pazuva.

Studio 7 yaedza kunzwa kubva kuna meya weHarare VaBernard Manyenyeni asi vati tibate munyori mukuru weguta, VaTendai Mahachi avo takundikana kubata.

Asi VaWadzayi vanoti kanzuru iri kupa zvikonzero zvekuti masangano aya ndiwo anogona kuziva mashandiro anenge achiita nhengo dzawo uye pavanenge vari panguva ipi zvayo izvo zvinoita kuti ifunge kuti vanokwanisa kutora mitero iyi.

Hurukuro naVaSamuel Wadzayi
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG