Accessibility links

Breaking News

Vashandi Votambira Kurudziro Yekuti Vashandirwi Vasangomisa Vashandi Mabasa


Makambani akawanda ari kuvhara nekuda kweoma kwesvinhu munyaya dzezveupfumi
Makambani akawanda ari kuvhara nekuda kweoma kwesvinhu munyaya dzezveupfumi

Danho rakatorwa nehurumende rekusimbisa nyaya yekuti makambani asangomisa vashandi mabasa pamadiro asina kuratidza kuhurumende kuti azama zvose zvingatarisirwa kuti aite asati atora danho iri, riri kutambirwa nemufaro mukuru nevashandi.

Munyori mukuru wesangano revashandi reZimbabwe Federation of Trade Unions, ZFTU, VaKennias Shamuyarira vanoti kunyange hazvo pasina zvitsva zvaiswa nehurumende, zvakakosha zvikuru kuti iratidze rutsigiro rwayo, zvikuru panguva iyo vashandi vari kurasikirwa nemabasa zvakanyanya.

Gurukota rezvevashandi Amai Priscah Mupfumira vakati makambani anenge achida kumisa vashandi nekuda kwekuomerwa anofanirwa kutora matanho akaita sekudimura mari dzinotambirwa nevamwe vakuru-vakuru kuti dziende kumihoro yevashandi asati afunga zvekuderedza huwandu hwevashandi.

Makambani anonzi anofanirwa kutanga aendesa chikumbiro chekumisa vashandi mabasa ku bhodhi rinoona nezvekumiswa mabasa, riri pasi pebazi rezvevashandi nemabasa, reRetrenchment Board, iro rinozotambira kana kuramba chikumbiro ichi.

Asi vaimbowe mutungamiri weConfederation of Zimbabwe Industries, CZI, VaCalisto Jokonya vanotiwo semaziviro avo, makambani mazhinji ari kutevedzera mutemo wekumisa vanhu mabasa uyu.

Vanotiwo makambani mazhinji akatedza zvose zvekudimura mari dzemihoro yevashandi vepamusoro asati asvika pakumbomisa vepasi ava mabasa.

VaShamuyarira vanoti vari kunyanya kutyora mutemo vachingomisa vanhu mabasa pamadiro ndevaya vari mune zvematongerwo enyika, avo vati vari kushandisa zvinzvimbo zvavo kuita izvi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG