Kumiswa kwevashandi vakawanda mabasa kunonzi kwave kukanganisawo vamwe varidzi vedzimba dzanga dzichigarwa nevashandi ava, avo vasisakwanisi kubhadhara mari dzerendi.
Kusvika pari zvino, munyika munonzi mava nevanhu vanodarika zviuru gumi nezvisere zvevashandi vakadzingwa basa zvichitevera mutongo weSupreme Court wakapa vashandirwi masimba ekudzinga vashandi basa kana vasisakwanise kuvabhadhara.
Munyori mukuru weZCTU, VaJaphet Moyo, vanoti danho rekurasikirwa nemabasa iri harisi kukanganisa chete varidzi vedzimba, asi kuti richaremedzawo hurumende sezvo vanhu vanenge voda rubatsiro vanenge vawanda.
VaMoyo vanoti kana vezvitoro zvinotengesa mbatya nezvikwereti vacharasikirwawo zvikuru sezvo vanhu vanenge votora zvikwereti vachisakwanisi kuzobhadhara zvikwereti izvi mushure mekupera kwebasa.
Hurumende pachayo iri kutatarika kuti irarame sezvo zvinhu zvisina kumira zvakanaka munyaya dzehupfumi.
Izvi zvakapa kuti mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vazivise neMuvhuro kuti pava nehurongwa hwekuti munyika mudzikwe mitemo inofarirwa nevanoda kudyara mari dzavo munyika.
Mukuru weEmployers Confederation of Zimbabwe, EMCOZ, VaJohn Mufukare, vanoti vanotambira nemufaro mashoko emutungamiri wenyika aya, sezvo vanhu vakawanda vane mari dzavo vari kutya kuti vanogona kusungirirwa vashandi vavanozotadza kuburitsa mabasa.
VaMufukare vanotiwo vanowirirana nepfungwa yaVaMoyo yekuti vashandi nevashandirwi vagare pasi kuitira kuti dambudziko iri rigadziriswe nekukasika.
Asi VaMoyo vanoti sevashandi havatambiri danho rinonzi rakatorwa nemutungamiri wenyika, rekuramba kuti vashandise masimba avo pakumisa kudzingwa kwevashandi mabasa zvisina shumo.
Bepanhau reThe Herald rakazivisa mazuva mashoma apfuura kuti vanoongorora zvematongerwo enyika, kusanganisira gweta raVaMugabe, VaTerrence Hussein, vakati VaMugabe havasi kuzopindira munyaya yekumiswa kwevashandi mabasa iyi sezvo vachiremekedza mitemo yenyika.
VaMoyo vanoti chavari kuda kubva kuna VaMugabe hakusi kuti vashandure mutongo weSupreme Court, asi kuti vashandure mutemo wezvemabasa nevashandi.