Accessibility links

Breaking News

National Economic Consultative Forum Yokurudzira Kurwiswa kweHuwori muNyika


Vanhu vachiratidzira kuHarare vachi nyunyuta nekuparara kwehupfumi hwenyika. (Mufananidzo: Columbus Mavhunga for VOA)
Vanhu vachiratidzira kuHarare vachi nyunyuta nekuparara kwehupfumi hwenyika. (Mufananidzo: Columbus Mavhunga for VOA)

Sangano rinotarisa nyaya dzehupfumi munyika reNational Economic Consultative Forum nhasi raparura gwaro idzva rinotarisa mamiriro akaita zvinhu munyika munyaya dzezvehupfumi richi kuridzira kuti huwori hupere kuitira kuti hupfumi hwenyika husimukire.

Gwaro raparurwa iri rinoti hupfumi hwenyika huri kutadza kukura pamusana pehuori hwatekeshera munyika. Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi uye vachishanda nesangano reNECF, VaGodwin Murehwa, vanoti huwori hukaramba hwakapfunya chisero munyika zvinhu zvinoramba zvakamira nemusoro munyika.

VaMrehwa vati imwe nyaya inofanira kusimbaradzwa kuti hupfumi hwenyika husimukire inyaya yekurima.

Vanga vari muenzi ano remekedzwa pakuparurwa kwegwaro reNECF iri uye vari mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mngangagwa vati huwori hukapera munyika zvinoitawo kuti hurumende ikwanise kudyidzana nedzimwe nyika pamwe nemasangano anobatsira nemari.

“Tinofanira kushanda zvakasimba kuti huwori hupere munyika. Kupera kwehuwori munyika kunoitawo zvakare kuti vanoda kuzosima mari dzavo munyika vauye vakasununguka,” VaMnangagwa vanodaro.

Mashoko aVaMnangagwa aya anouyawo apo mumwe wevatedzeri vemutungamiri wenyika VaPhelekezela Mphoko vari kutsoropodzwa nevamapato anopikisa pamwe nevemasangano anoshanda akazvimirira.

VaMphoko vanonzi vari kuvhiringidza kurwisana nenyaya dzehuwori nenyaya yekuvhariridza kwavanonzi vakaita kuferefetwa kwenyaya yegurukota rezvedidzo yepamusoro, Muzvinafundo Jonathan Moyo.

VaMphoko vanonzi vakapindira kuti VaMoyo vasasungwe nevekomisheni inorwisana nehuori yeZimbabwe Anti-Corruption Commission.

VaMoyo, avo vanove zvakare nhengo yeparamende inomirira Tsholotsho, vanonzi vakatora mari inoda kusvika kuzviuru mazana mashanu zvemadhora kubva kuhomwe yeZimbabwe Manpower Development Fund, iyo vakashandisa mukutenga mabhasikoro akapiwa madzishe nevamwe kuTsholotsho.

Asi vari kuzvidzivirira vachiti vakatora mari iyi kuti vabatsire vanhu vanotambura vachizvifananidza naRobin Hood, mbavha yekuEngland yaibira vapfumi ichipa varombo kunyika iyi.

VaMphoko vakati kusunga VaMoyo kwaizokonzera kusagadzikana muhurumende.

Zvichakadai, munyori mukuru musangano revashandi reZimbabwe Industrial Revolution Workers Federation, VaPascoe Chakanetsa, vaudza Studio 7 kuti nyaya yehuwori inonetsa kupedza munyika kana pane makororo anobatwa sezai.

Zvichakadai, VaMnangangwa vakurudzira kuti pave nekutaurirana pakati pehurumende, vemabhizimusi, vashandi nevashandirwi nechinangwa chekutsvaga nzira dzekupedza huwori munyika.

NECF inotiwo chimwe chiri kuita kuti zvinhu zvisafambe zvakanaka mukuitwa kwemabhizimusi munyika inyaya dzekuti vemabhizimusi havasi kukwanisa kuwana mari kumabhanga pamwe nekunonoka kunoita mapazi ehurumende mazhinji kufambisa mapepa anenge asvitswa kwaari nevemabhizimusi.

Zvichakadai, VaMnangagwa vati hurumende ichaedza pose painogona kugadzirisa matambudziko ese ataurwa aya kuitira kuti zvemabhizimusi munyika zviite mutserendende.

Nyaya ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG