Accessibility links

Breaking News

Vamwe Vokurudzira Kuti Nyaya yeKupinda paChigaro kwaVaMnangagwa Itaurwe Nezvayo


Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa.Vebato rinopikisa reMDC vanoti havacherechedze hutungamiri hwavo.
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa.Vebato rinopikisa reMDC vanoti havacherechedze hutungamiri hwavo.
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:46 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Zvisineyi nekuti mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vanotaura vachikurudzira runyararo munyika pamwe nemharidzo yavo yekuti Zimbabwe yakavhura mikana yekuita bhizinesi kana kuti “Zimbabwe is open for Business”, imwe yenyaya dzinotaurika kakanyanya ndeyekupinda kwavo pachigaro chekuve mutungamiri wenyika.

Studio 7 inotsvakurudza kuti nyaya iyi inosiya Zimbabwe yakamira papi mukukwanisa kana kutadza kwayo kugadzirisa zvinhu munyika.

Nhengo dzebato rinopikisa reMDC dziri muparamende nanhasi hadzisati dzatambira kuti VaMnangagwa ndivo vakakunda musarudzo yemutungamiri wenyika yakaitwa gore rapera.

Izvi zvinonzi nevamwe zvinotadzisa basa reparamende kufamba zvakanaka kana nyaya iyi isina kugadziriswa nemapoka maviri aya vachiwirirana. Vamwe vanotiwo nyaya iyi inotadzisa budiriro mune zveupfumi kana zvematongerwo enyika.

Mukokeri wenhengo dzeMDC muparamende Va Prosper Mutseyami ndemumwe wevanhu vanoti nyika haigoni kufambira mberi kana zvinhu zvakadai.

Gweta uye vari munyori wezvemitemo muZanu PF, VaMunyaradzi Paul Mangwana, vanoti VaMnangagwa vakasarudzwa zviri pamutemo saka vanhu ngavavatsigire kuti zvinhu zvinake munyika.

Nyanzvi munezvesarudzo vari mukuru wesangano reElection Resource Center, VaTawanda Chimhini, vanoti mafambisirwo esarudzo munyika ndiwo anoratidza kuti pane matambudziko munyaya dzekutambirwa kwehutungamiriri huripo.

Zvinhu zvinonzi hazvina kumira zvakanaka muZimbabwe zvichitevera mhirizhonga yakaitika mwedzi wapera iyo yakasiya vanhu gumi nevashanu vafa mushure mekupfurwa nemauto

Nesvondo mitengo yechingwa yakamuka yakakwira munyika nezvikami makumi matanhatu kubva muzana.

Ukuwo, mitsetse yatanga kuonekwa zvakare munzvimbo dzinotengeserwa mafuta ekufambisa dzimotokari.

Vakawanda vanoti kana zvinhu zviri kunetsa munyaya dzehutungamiri zvisina kugadziriswa zvinhu zvhicharamba zvichisunga munyika.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG