Accessibility links

Breaking News

Matambudziko eZimbabwe Anozeyiwa neNyanzvi kuCato Institute, kuAmerica


Sangano reCato Institute nderimwe reamasangano akawanda avanachipangamazano ari muWashington, DC.
Sangano reCato Institute nderimwe reamasangano akawanda avanachipangamazano ari muWashington, DC.

Sangano ravanachipangamazano, reCato Institute riri mu Washington, D.C, muno muAmerica, neMuvhuro rakazeya nyaya yeZimbabwe, zvikuru matambudziko akatarisana nenyika, uye zvingaitwe mukugadzirisa nyaya dzezvehupfumi pamwe nezvematongerwo enyika.

Nyanzvi mune zvehupfumi uye vachinyorera bepanhau reWashington Post, VaBarry Woods, avo vakange vari muZimbabwe pakapfurwa vanhu vamwe vakafa mushure mesarudzo dzegore rapera, vakati zvakakosha kuti hurumende ive nehutongo hwejecherere uye iremekedze kodzero dzevanhu kuitira kuti zvirango zvakatemerwa nyika zvibiswe.

VaWoods vakaenderera mberi vachiti nguva haisati yanyatsokwana yekuti nyika dzekunze dzidyidzane neZimbabwe, sezvo pachiri nezvizhinji zvinoda kugadziriswa.

Muzvinafundo Steve Hanke, avo vanodzidzisa paJohn Hopkins University, vakaudza musangano uyu kuti Zimbabwe inokwanisa kubuda mumadhaka mairi kana ikagadzirisa mimwe mitemo inombunyikidza kodzero dzevanhu panyaya yevhu nezviwewo, nekugadzirisa nyaya yehupfumi hwenyika.

Professor Hanke vakaenderera mberi vachiti Zimbabwe inokwanisa kushandisa hwaro sehwakashandiswa nenyika yeSingapore, iyo yakakwanisa kubuda munyatwa yekuwondomoka kwehupfumi hwenyika yayakanga iri yakanga yakadzama kutodarika matambudziko akatarisana neZimbabwe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:08:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vakashorawo zvirango zvehupfumi zvakatemerwa nyika, vakakurudzira hurumende dzekunze kuti dzibvise zvirango izvi sezvo zvisiri kubatsira kushandura zviri kuitika muZimbabwe.

Chimwe chizvarwa chekuAfrica, VaGyude Moore, vakatsinhirawo zvakataurwa naMuzvinafundo Hanke pamusoro pezvirango zvakatemerwa nyika.

Vachitaurawo pamusangano uyu, gurukota rezve mari Muzvinafundo Mthuli Ncube vakati hurumende yavo iri mushishi kugadzirisa mimwe mitemo kuti hupfumi hwenyika huvandudzike.

Musangano uyu wakapindwa nenhengo dzemasangano akazvimirira, hurumende yeAmerica nezvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zvinogara muWashington D.C., kusanganisirawo Muzvare Pearl Matibe, avo vakati vakafadzwa nemafambiro aita musangano uyu.

Asi vamwe vakapindawo mumusangano uyu vakati kana hurumende yeZimbabwe yakatevedzera zvakakurudzirwa nezvipangamazano zvakataura pamusangano uyu, nyika inokwanisa kusimuka zvakare ichimira yoga sezvayaive mumakore ekuma 1980 payakawana kuzvitonga kuzere.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG