Accessibility links

Breaking News

Amai Mnangagwa Vanotungamira Chikwata cheMadzimai kuMusangano weMadzimai kuNew York


Amai Auxilia Mnangagwa
Amai Auxilia Mnangagwa

Mudzimai wemutungamiri wenyika Amai Auxilia Manangagwa vari kutungamira chikwata chemadzimai ekuZimbabwe akauya kuNew York, kuAmerica, kumusangano wemadzimai wechimakumi matanhatu nembiri kana kuti 62nd Commission on the Status of Women.

Chikwata chaAmai Mnangagwa chakasvika muNew York neMuvhuro kumusanagano wemadzimai uyu, uyo unoitwa kamwechete pagore.

Vamwe vari mumusangano uyu kubva kuZimbabwe vanosanganisira nhengo dzedare reparamende dzinosanganisa Amai Marble Chinomona, Amai Paurina Mupariwa, naAmai Monica Mutsvangwa, vanovazve gurukota redunhu reManicaland.

Sangano reUnited Nations rinoti riri kuita musangano uyu nechinangwa chekuchengetedza kodzero dzemadzimai nevanasikana kumaruwa kuti vave nehupenyu hwakanaka. Zimbabwe iri kumirirwa hayo kunyangwe isiri nhengo dzichikwata cheCSW ichi.

Muzvare Ruvarashe Winet Miti avo vari kumusangano uyu vanoti shuviro yavo semudzimai wechidiki ndeyekuti hupenyu hwemwanasikana nemunhukadzi husimukire uye mikana ivhurike kune vose zvisineyi nekuti vari kumadhorohba here kana kuti vari kumaruwa.

Muzvare Miti vati tarisiro yavo mumusangano uyu ndeyekuti mwanasikana achirega kusara pese panogadziriswa zvinhu uye panorogwa zvepundutso.

Mumwewo wevechidiki vakaita rombo rakanaka rekugona kuuyawo kumusangano uyu kubva ku Zimbabwe, Muzvare Farirayi Gumbondzvanda anoti chaafarira zvikuru ndechekuti mudzimai wemukuru wenyika, Amai Mnangagwa vauyawo kuzovatsigira mumisangano yavari kupinda iyi.

Vachitaura maerano nemafambiro avakaita, Muzvare Farirayi Gumbonzvanda vanoti vasikana chaivo vangadai vachibatsirikana nemusangano iyi havana kukwanisa kupihwa maVhiza ne hurumende ye America.

Mukuru mukuru we sanagano re Rozaria Memorial uyewo vari munyarikani weAU panyaya yekumiswa kwetsika yekuroodzwa kwevana vasati vabva zera kana kuti Goodwill Ambassador for Ending Child Marriage Amai Nyaradzai Gumbodzvanda vanoti musangano uyu uchabatsira madzimai ne vasikana vekuZimbabwe zvikuru.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:27 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG