Vashandi vehurumende vanoti vari kushushikana zvikuru nekusaziviswa nehurumende zvakabuda muongororo yanga ichiitwa nevashandi vehurumende muzvikoro pamwe nemamwe mapazi ehurumende, kana kuti civil service audit.
Sachigaro weApex Council VaRichard Gundani vanoti vakatoshamisika kunzwa mumapepanhau nemudzinhepfenyuro kuti dare remakurukota rakanga ratambira ongororo iyi pamwe nekurudziro yayo yekuti mubazi revashandi vehurumende muitwe shanduko yakakura.
Shanduko iyi inonzi ichaona mabasa asina vanhu achivharwa, vashandi vehurumende vachipiwa mari dzekubatsirikana mukufamba, vashandi vasiri kushanda zvizere vachiendeswa kune mamwe mapazi nezvimwe zvakadaro.
VaGundani vanoti vachatsvaga musangano nehurumende nechimbichimbi kuitira kuti nyaya iyi izeyiwe nemapoka ose ari mu National Negotiating Council.
“Zvakakosha zvikuru kuti hurumende itiremekedze sevashandi vayo,” VaGundani vanodaro.
Vanoti musangano unofanirwa kutoitwa nechimbichimbi kuitira kuti vakurukurewo nhunha dzavo dzisiri kugadziriswa nehurumende.
Ongororo iyi inonzi yave kuendawo kune mamwe mapazi ehurumende mushure mekunge yapedza kuitwa mubazi rezvedzidzo.