Accessibility links

Breaking News

Machechi Okurudzira Shanduko muHutungamiri


Evangelical Fellowship of Zimbabwe
Evangelical Fellowship of Zimbabwe

Mubatanidzwa wemasangano emachechi weZimbabwe Heads of Christian Denominations uri kukurudzira kuti munyika muve nehutungamiri hutsva hunoendesa mberi zvido zvevana veZimbabwe pamwe nekuremekedza bumbiro remitemo, kwete kukoshesa kuti munhu abuda mumba maani.

Izvi zvakabuda neMuvhuro mumagwaro maviri akaburitswa nemubatanidzwa uyu, anoti “The Zimbabwe We Want” ne"Concerns of The Church in Zimbabwe" ayo anotarisa mamiriro akaita zvinhu munyika, zvinetswa, pamwe nezviri kudiwa nevana veZimbabwe.

Vatungamiri vemakereke ava vakaitawo musangano nagavhuna webhanga guru renyika reRBZ VaJohn Mangudya, apo vakakurukura nezvemamiriro akaita zvinhu munyaya dzeupfumi, pamwe nehurongwa hwekuda kuunzwa kwema bond notes, sezvo nyika yananga kumawere.

Gavhuna veRBZ, Dr. John Mangudya
Gavhuna veRBZ, Dr. John Mangudya

Munyori mukuru wesangano iri, uyewo vari munyori weEvangelical Fellowship of Zimbabwe, Pastor Blessing Makwara vanoti magwaro aya ari kungoendesa mberi zvagara zvichi kurudzirwa nemakereke pamakore gumi apfuura, kubva pakaparurwa hurongwa uhwu.

Vanoti mubatanidzwa uyu unounza pamwechete masangano anoti Evangelical Fellowship of Zimbabwe, Zimbabwe Catholic Bishops Conference, Zimbabwe Council of Churches neThe Union for The Development of The Apostolic Churches in Zimbabwe Africa.

"Ndomagwaro, kana kuti chirongwa chiri kushandiswa nemakereke andataura iwaya, ma umbrella body, tichi batsirana nevatinoshanda navo vese kuti tiedze kukurukura nekukurudzira kuti hurukuro dzirambe dzichienderera mberi pamusoro penyika yatinoshuvira kuti inge yakaita sevana veZimbabwe. Saka ndokubuda kwemagwaro maviri amataura nezvawo aya," Pastor Makwara vanodaro.

Magwaro aya ari kukurudzira zvakawanda zvinosanganisira kuti hurumende itore matanho nekukasika mukuona kuti yavaka hukama hwayo nedzimwe nyika kuburikidza nekugadzirisa nyaya dzekutyorwa kwekodzero pamwe nezvimwe zvinetswa zvakaita sezvirango zvakatemerwa nyika neamerica pasi peZIDERA.

Sangano iri rino kurudzirawo kuti hurumende ione kuti paramende yabatanidza mitemo nebumbiro idzva renyika, zvikuru sei mukutarisa nezvemutongo werufu, mutewo unobata vana vadiki, POSA pamwe neAIPPA.

Magwaro aya anoti ibasa rehurumende kuona kuti vana venyika vose vabatwa zvakaenzana uye kodzero dzavo dziri kuremekedzwa.

Vemakereke ava vanoti vanotambira nemufaro kuvepo kweboka rinoona nezvekupodzwa kwemaronda, asi vanoti zvanga zvakakosha zvikuru kuti vemachechi vange vaine bandiko ravanobatawo muhurongwa uhwu.

Hurukuro naPastor Blessing Makwara
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG