Accessibility links

Breaking News

VaChiwenga Vokurudzira Veruzhinji Kuti Vavhotere VaMnangagwa Musarudzo


Mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaConstantino Chiwenga

Mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaConstantino Chiwenga vanokurudzira vanhu kuti vavhotere mukuru wenyika vachiti ndivo venehanya nehupenyu hweveruzhinji.

Vachitaura kuvatsigiri vebato ravo reZanu PF munhandare yeChakari pedyo neKadoma, mudunhu reMashonaland West, VaChiwenga vati vanhu vanofanirwa kuvhotera mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa nekuti vane han’ya neruzhinji rwevanhu, sezviri kuonekwa vachiita zvekuti havasi kugara pasi vachisunza kuti vanhu vawane zvakakwana.

VaChiwenga vati vanhu havafanirwe kuomerwa nekuvhotera VaMnangagwa, avo vavati vanotenda ruzhinji rwevanhu nekuvatsigira kutora masimba kubva kune vaimbove mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe.

Mutevedzeri wemutungamiri wenyika ava vaparurawo hurongwa hwekudyara gorosi papurazi reGreen Valley Estate, raVaCollin Gura, avo vakarima mahekiteya mazana matatu nemakumi mashanu.

Chakari ndiyo nzvimbo ine vanhu vakanyoresa kuvhota vakawanda kudarika dzimwe nzvimbo mudunhu reMashonaland West.

Nyaya ina Arthur Chigoriwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG