Accessibility links

Breaking News

Kanzuru yeChitungwiza Yodzinga Basa Vatungamiri veVashandi


Kanzuru yeChitungwiza inonzi yakamisa vashandi vanodarika zana mabasa
Kanzuru yeChitungwiza inonzi yakamisa vashandi vanodarika zana mabasa

Kanzuru yeChitungwiza inonzi yadzinga vaive vatungamiri vevashandi vekanzuru vana avo vanga vakambomiswa mabasa pamwe nevamwe vashandi vanodarika zana mushure mekupinda mukuramwa mabasa.

Mumwe wevadzingwa mabasa ava uye vanga vari mutungamiri wevashandi vekanzuru, Reverend Ephraim Katsina vanoti kunyange hazvo vasati vapirwa zviri pamutemo mashoko ekuti vadzingwa basa aya, vane ruzivo rwekuti kanzuru yakasunga danho iri svondo rapera, mushure mekuita musangano wayo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vamwe vanonzi vadzingwawo basa ndaVaTemson Bhamusi vaive munyori wesangano revashandi, VaIsrael Bako vaive mutevedzeri wemunyori pamwe naVaPeter Kapamba vaive nhengo yekomiti.

Muna Nyamavhuvhu kanzuru yeChitungwiza yakambomisa vashandi vanosvika zana negumi mabasa mushure mekunge varamwa mabasa kwemazuva mashanu vachida kuti vapiwe mihoro yavo yakanga yave nemwedzi gumi nemina vasina kutambiriswa.

Asi kanzuru yakazodaidza vashandi ava mumwe nemumwe vachinzwa mativi avo, izvo zvazosvitsa pakudzingwa kwevatungamiri ava, avo vaipomerwa mhosva yekufurira vamwe kuramwa mabasa.

Meya weChitungwiza VaPhilip Mutoti vaudza Studio 7 kuti vakasununguka kutaura nyaya iyi neChina.

Zvichakadaro, sangano revagari vemunzvimbo iyi reChitungwiza Resident Trust kana kuti CHITREST rinoti vagari vemuChitungwiza havafanire kubhadhara mari dzavari kunzi vabhadhare kubakambani yeUrban Development Corporation. Vagari ava vari kunzi vabhadhare mari yekuti vakavakira dzimba pasiri ipo sekutenda mhosva.

Tsamba dziri kunyorwa nekambani iyi dzinonzi dziri kupihwa vanhu muward 25 uye zviri kunziwo vamwe vachapihwa nzvimbo dzavagere asi vasina kuvaka zvakanaka vachapihwa dzimwe nzvimbo dzekuvakira dzima nekanzuru.

Vagari vari kunzi vabhadhare mari dzinodarika chiuru nemazana mashanu emadhora. Hurumende ichishanda nekanzuru yeChitungwiza yange ichiputsira vanhu vagari ava dzimba ichiti vakavakira dzimba pasiri ipo. Asi izvi zvakamiswa nedare repamusoro zvichinzi kutyora bumbiro remitemo.

Mukuru weCHITREST VaMarvellous Khumalo vanoti zviri kuitwa nekambani iyi hazvina musoro uye vagari vanofanira kuramba kuzvitambira.

Hurukuro naVaMarvellous Khumalo
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:20 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mutongo wedare usati wabuda, gurukota rinoona rezvematunhu VaIgnatious Chombo vainge vamboti hurumende haisi kuzodzokera shure panyaya yekuputsa dzimba dzavanoti dzakavakwa pasina kukodzera.

XS
SM
MD
LG