Vashandi vekanzuru yeChitungwiza vanodarika mazana maviri nemakumi matatu vakamiswa basa svondo rapera vaungana pamahofisi ekanzuru iyi vachida kuti vapiwe mari dzemihoro dzavanoti vakanga vasina kupiwa kwemwedzi inonzi ingada kusvika kumakumi matatu.
Mutungamiri wesangano rinomirira vashandi veChitungwiza, Reverend Ephraim Katsina vanoti kanzuru yakapotsa pakutanga yamisa vashandi ava mabasa isati yavabhadhara mari dzavo dzayakanga isati yavapa.
Reverend Katsina vanoti vaedza kuita musangano nemunyori mukuru wekanzuru yeChitungwiza VaGeorge Makunde asi hapana chinobatika chabuda mumusangano uyu.
Vanoti vachasangana zvakare neChipiri, kukundikana kuwirirana votora matanho ekuenda kumatare edzimhosva, uye kusanganawo negurukota rezvekutongwa kwematunhu, vaSaviour Kasukuwere.
“Tinoda kunzwa kubva kuna minisita kuti vakatendera here kuti kanzuru imise vashandi ava mabasa,” vanodaro Reverend Katsina
Nemusi weChina svondo rapera kanzuru yakamisa vashandi ava mabasa ichi shandisa mutongo weSupreme Court wakabuda muna Chikunguru, kunyange hazvo mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vakanga vasaina bhiri rekuvandudza mutemo wezvevashandi kuti uve mutemo.
Studio 7 yakundikana kubata VaMakunde kanawo meya weChitungwiza VaPhilip Mutoti kuti tinzwe divi rekanzuru panyaya iyi.