Accessibility links

Breaking News

Vashandi veChitungwiza Vakamiswa Mabasa Vasina Kupiwa Mihoro Yavo Voronga Kukwira kuMatare


Kanzuru yeChitungwiza inonzi yakamisa vashandi vanodarika mazana maviri mabasa isina kutanga yavabhadhara mihoro yavo
Kanzuru yeChitungwiza inonzi yakamisa vashandi vanodarika mazana maviri mabasa isina kutanga yavabhadhara mihoro yavo

Vashandi vekanzuru yeChitungwiza vanodarika mazana maviri nemakumi matatu vakamiswa basa svondo rapera vaungana pamahofisi ekanzuru iyi vachida kuti vapiwe mari dzemihoro dzavanoti vakanga vasina kupiwa kwemwedzi inonzi ingada kusvika kumakumi matatu.

Mutungamiri wesangano rinomirira vashandi veChitungwiza, Reverend Ephraim Katsina vanoti kanzuru yakapotsa pakutanga yamisa vashandi ava mabasa isati yavabhadhara mari dzavo dzayakanga isati yavapa.

Reverend Katsina vanoti vaedza kuita musangano nemunyori mukuru wekanzuru yeChitungwiza VaGeorge Makunde asi hapana chinobatika chabuda mumusangano uyu.

Vanoti vachasangana zvakare neChipiri, kukundikana kuwirirana votora matanho ekuenda kumatare edzimhosva, uye kusanganawo negurukota rezvekutongwa kwematunhu, vaSaviour Kasukuwere.

“Tinoda kunzwa kubva kuna minisita kuti vakatendera here kuti kanzuru imise vashandi ava mabasa,” vanodaro Reverend Katsina

Nemusi weChina svondo rapera kanzuru yakamisa vashandi ava mabasa ichi shandisa mutongo weSupreme Court wakabuda muna Chikunguru, kunyange hazvo mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vakanga vasaina bhiri rekuvandudza mutemo wezvevashandi kuti uve mutemo.

Studio 7 yakundikana kubata VaMakunde kanawo meya weChitungwiza VaPhilip Mutoti kuti tinzwe divi rekanzuru panyaya iyi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG