Ishe Ndiweni, VaFelix Nhlanhlayamangwe Ndiweni, vave kuronga kukwira kudare repamusoro reHigh Court vachipikisa danho rakatorwa nehurumende munguva pfupi yapfuura rekuvaturunura hushe.
Gweta raIshe Ndiweni, VaDumisani Dube vaudza Studio 7 kuti mamwe mapurisa anodzivirira mhirizhonga akaenda kumba kwaIshe Ndiweni nemusi weMugovera kuti vanotora motokari uye zvipfeko zvehushe zvavanoshandisa, asi vakakundikana kuita izvi.
Izvi zvinotevera gwaro rakanyorwa nemunyori webazi rezvekutongwa kwematunhu, VaZvinechimwe Churu, mumazuva mashoma apfuura vachizivisa kuti Ishe Ndiweni havafanirwe kunge vari ivo ishe wenzvimbo yeNtabazinduna mudunhu reMatabeleland North.
VaDube vati vari kupikisa danho iri vachiti harizi pamutemo.
Ishe Ndiweni vakagadzwa mugore ra2014 asi vanga vasati vagadzwa zviri pamutemo. Mwedzi wapera dare remadzishe edunhu reMatabeleland North, richitungamirwa naIshe Shana vekuJambezi, rakapa kurudziro yekuti Ishe Ndiweni vabviswe pachigaro ichi sezvo zvichinzi havana kusarudzwa pachiteverwa tsika dzemhuri yavo dzinoshandiswa pakugadza hushe.
VaJoram Ndiweni, avo vanove dangwe kumhuri yekwaNdiweni, ndivo vanonzi vanofanirwa kuve ishe asi pari zvino vari kugara kuBritain.
Mutauriri wemhuri yekwaNdiweni VaBancinyane Ndiweni vaudza Studio 7 parunhare kuti mhuri yekwaNdiweni yakasarudza VaFelix Ndiweni kuti vave ishe uye hapana zvati zvachinja. Vati vachazivisa zvizere kana Ishe Ndiweni vadzoka kubva kunze kwenyika kwavari pari zvino.
Gweta, VaDube, vatsinhira kuti kusarudzwa kwakaitwa Ishe Ndiweni nemhuri yavo hakufanirwi kuchinjwa.
Taedza kunzwa kubva kumutevedzeri wemukuru wemadzishe munyika Ishe Mtshane Khumalo asi vati vange vasingakwanisi kutaura zvakawanda pamusoro panyaya iyi sezvo vange vari parwendo.
Mumwe murwiri wekodzero dzevanhu VaThemba Chivheya vaudza Studio 7 kuti vanoona danho rehurumende rekubvisa Ishe Ndiweni pachigaro rine zvematongerwo enyika mukati sezvo vachizivikanwa nekutsoropodza hurumende.
Hatina kukwanisa kunzwa divi rehurumende panyaya iyi.
Ishe Ndiweni vakambosungwa vakatongerwa kugara mujeri kwegore nemwedzi mitanhatu mushure mekunge vabatwa nemhosva yekupwanya ruzhowa rwepamusha wemumwe mugari wemunzvimbo yavo, asi vakabuda mujeri mushure mekupikisa kusungwa kwavo.
Facebook Forum