Gurukota rezvezviwanikwa, Amai Oppah Muchinguri-kashiri vanonzi vazivisa nhasi kuti muvhimi wekuamerica akauraya shumba yaive nemukurumbira cecil haasi kuzotongwa nenyaya iyi.
Sangano renhau reReuters rinoti Amai Muchinguri-Kashiri vazivisa vatori venhau kuti hurumende yakaenda kumapurisa pamwe nekumuchuchisi mukuru yakawana kuti VaWalter Palmer vaive nemagwaro aive pamutemo aivabvumidza kuvhima munyika.
Sangano iri rinoti Amai Muchinguri-Kashiri vazivisawo kuti VaPalmer, avo vanove chiremba, vakasununguka kushanyira Zimbabwe chero nguva.
VaPalmer pamwe nevamwe vavhimi vaviri vemuZimbabwe, vakakonzera bowa-bowa muna Chikunguru pavakavhima nekuuraya shumba Cecil, izvo zvakaita kuti varume vaviri vemuZimbabwe ava vamiswe pamberi pematare, ukuwo hurumende ichiedza kuti VaPalmer vadzoswe munyika vamiswewo pamberi pematare.
Studio 7 yaedza kubata munyori mukuru mubazi rezvezviwanikwa, VaPrince Mupazviriwo asi vati titaure negurukota, Amai Muchinguri-Kashiri. Asi vadaira nhare yaAmai Muchinguri-Kashiri vati vanga vari mumusanganowakakosha zvekuti vanga vasingakwanisi kutora nhare yedu.
Taedzawo zvakare kubata gweta raVaPalmer, VaGivemore Muvhiringi asi vati havakwanisi kutaura nezvenyaya iyi sezvo vanga vasati vawana magwaro emashoko aya kubva kuhurumende.
Asi mukuru wesangano rinorwira kodzero dzemhuka, reZimbabwe ConservationTask Force, VaJohnny Rodriguez vanoti kana chiri chokwadi kuti hurumende yave kuti VaPalmer Havana mhosva yavakapara, zvinoreva kuti huwori kwakaitika, sezvo hurumende yakambenge yaratidza kunyika kuti muvhimi uyu aive apara mhosva.
VaRodriguez vanoti danho ratorwa nehurumende rinoratidza kuti mutemo haushande zvakaenzana sezvo chizvarwa cheZimbabwe chinenge chauraya mhuka chinokandwa mujeri kwemakore akawanda.
“MaZimbabweans anouraya mhuka anopikiswa jeri kuma anything from five to fifteen years, but because pane mari ipapo, manjeso wakuzvitaura kuti a-ah, munhu wacho anga aine mapepa ari right what and what,” VaRodriguez vanodaro.
Vanoti sekuona kwavo nenyaya yekuti hurumende haina mari, iri kuda ivo vanovhima mhuka vanobva kunze ava kuti vadzoke munyika kunyange vachityora mutemo.
“Sekuona kwedu mari inotaura muZimbabwe muno umu,” vanodaro VaRodriguez.
Vanoti kana vekunze ava vakatyora mutemo, hurumende inotarisa rutivi, chero mari ichipinda.
VaRodriguez vanoti hurumende yave kufanirwa manje kuzivisa vana veZimbabwe ichiburitsa humbowo hwekuti VaPalmer Havana kutyora mutemo, magwaro avo ekuvhima aive pamutemo.
VaPalmer vakanga vambomanikidzwa kuvhara kiriniki yavo yekuAmerica zvichitevera kuratidzira kwakasimba kwakaitwa nevanhu vaipokana nekuuraya kwavo shumba iyi, asi vakazoivhura zvakare munaNyamavhuvhu.