Accessibility links

Breaking News

Vanyori Vokurudzirwa Kunyoa Mabhuku muRurimi rwaAmai


International Booka Fair inotanga muHarare
International Booka Fair inotanga muHarare

Vananyanduri, vanyori vemabhuku, vadzidzisi nevakakokwa vari pamusangano weBook Fair muHarare vanoti kushomeka kwemabhuku akanyorwa mururimi rwaAmai pamwe nekudhura kwemabhuku ndizvo zviri kuita kuti vana vasadzidze zvakanaka muzvikoro.

Munyori ane mukurumbira VaStephen Chifunyise, avo vanga vari pamusangano uyu, vanoti mabhuku akanyorwa nerurimi rwaAmai anoita kuti vana vakwanise kunzwisisa kudarika akanyorwa neChirungu.

VaChifunyise vanoti sezvo bumbiro idzva remutemo rave kucherechedza mitauro gumi nemitanhatu, vanyori vave nebasa rekunyora mabhuku mumitauro yose.

Izvi zvinotsigirwa nanyanduri ane mukurumbira VaAlbert Nyathi, avo vanoti munyika ngamuite mabhuku akanyorwa nemimwe mitauro sezvobumbiro remutemo richi cherechedza mitauro yakawanda.

Mudzidzisi mukuru wepaSeke Teachers College VaLazarus Mhodzi vanoti kunyange muzvikoro muine mabhuku ekudzidza akakwana kuburikidza nechirongwa cheUNICEF, akanyorwa nechirungu.

VaMhodzi vanoti vanyori havachanyori mabhuku mururimi rwaAmai nekuda kwekuti hapana mari yavanowana nekuda kwekudhindiswa zvisiri pamutemo (piracy).

VaMhodzi vanoti chimwe chinhu chiri kuita kuti vana vasawane mabhuku ndechekuti ari kudhura sezvo mari shoma inowana vabereki yave kutenga zvekudya zvemhuri.

Ambuya Colette Mutangadura avo vakange vari mudzidzisi, vanoti nyika inofanirwa kukurudzira mitauro yedu.

Ambuya Mutangadura vanoti kubudirira hakuneyi nekuti munhu anotaura mutauro upi sezvo vanhu vekuChina nekuGermany vari kubudirira vachitaura nekudzidza mitauro yavo.

Musangano weBook Fair wakatanga nezuro uye uchapera neMugavera.

Dingindira remusangano uyu rinoti ‘Igniting Interest in Reading for Sustainable Development”.

Nyaya ina Arthur Chigoriwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:51 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Musangano uyu uchavhurwa zviri pamutemo negurukota rezvedzidzo yepasi VaLazarus Dokora nemusi weChitatu.

XS
SM
MD
LG