Accessibility links

Breaking News

Zanu PF Inonzi Yakatyisidzira Vanhu kuBikita West


Bato reZanu PF rakakunda zvine mutsindo musarudzo dzeBikita by-election
Bato reZanu PF rakakunda zvine mutsindo musarudzo dzeBikita by-election

Masangano akazvimirira oga akaongorora sarudzo dze by-election dzakaitwa kuBikita West mukupera kwesvondo, anoti ari kushoropodza kushandiswa kwemhirizhonga nebato reZanu PF mukutyisidzira vavhoti.

Mukuru werimwe remasangano akaongorora sarudzo idzi, reZimRights, VaOkay Machisa, vanoti musi wesarudzo nhengo dzeZanu PF dzaionekwa dzichinyora mazita evanhu vainovhota, uyewo huwandu hwevanhu vaibatsirwa kuvhota hwaive hwakawanda.

Sangano reZimbabwe Election Support Network, ZESN, rinotiwo mugwaro raro raratumira kuvatori venhau, rakanzwa kuti vanhu vainzi vanyorese nemasabhuku avo pamwe nevatungamiri vebato reZanu PF vasati vaenda kunovhota uye vavhota.

Zvinonziwo vechidiki vakawanda vaibatsirwa kuvhota vachinzi havakwanise kunyora, chiratidzo chekuti vanhu vakanga vatysidzirwa.

Masangano akaongorora sarudzo aya anotiwo munguva yegadziriro yesarudzo, Zanu PF yakashandisa mhirizhonga kune vanopikisa vaikwikwidza, izvo zvakasiya VaMadock Chivasa veNCA vakuwadzwa mushure mekurwiswa.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi reZanu PF panyaya iyi.

Asi masangano aya anorumbidza Zimbabwe Electoral Commission, ZEC, nekufambisa sarudzo zvakanaka, uye kuvhura nzvimbo dzekuvhotera nenguva, kunyange achiti pachine zvakawanda zvinofanirwa kuitwa neZEC musarudzo dzichatevera.

VaMachisa vanoti musarudzo dzinotevera masangano anoongorora sarudzo anofanirwa kuwaniswawo ruzivo rwezvinenge zvichiitika kubva kuvashandi veZEC.

Hurukuro naVaOkay Machisa
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Amai Beauty Chabaya veZanu PF vakawana mavhoti 13, 156, vachiteverwa naVaKudakwashe Gopo veZimbabwe People First avo vakawana mavhoti 2, 453. VaInnocent Muzvimbiri vaikwikwidza vakazvimirira vakawana mavhoti 725, kuchitiwo VaMadock Chivasa veNCA vachiwana mavhoti 343.

VaTerrence Makumbo vePDZ vakawana mavhoti 132 kuchizotiwo VaHeya Shoko vakakwikwidza vakazvimirira vachiwanawo mavhoti makumi manomwe nematanhatu.

Vanoongorora zvematongerwo enyika vakazvimirira, VaCharles Mutasa, vanotiwo zvakabuda musarudzo zvinoratidza kuti mapato anopikisa anofanirwa kusunga dzisimbe kana aine tarisiro yekuzokunda Zanu PF musarudzo dzinotevera.

VaMutasa vanoti izvi zvichapawo mapato anopikisa mukana wekuongororana kuti chii chinenge chichiunzwa nemapato aya munhaurirano dzekuumba mubatanidzwa, zvichitevera kusabuda zvakanaka kwemapato akapinda musarudzo idzi.

Bato reZimbabwe People First rinotungamirirwa naAmai Joice Mujuru raipinda musarudzo idzi kekutanga, asi harina kunyatsoratidza kusimba kwaro sezvo rakakundwa zvakanyanya nebato reZanu PF.

Hurukuro naVaCharles Mutasa
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG