Accessibility links

Breaking News

Nhengo yeNPF Inopisirwa Imba kuHurunge East


Nhengo dzebato reNPF kuMasvingo
Nhengo dzebato reNPF kuMasvingo

Bato reNational Patriotic Front, NPF, iro rinonzi riri kutsigirwa nevaimbove mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe nemudzimai wavo Amai Grace Mugabe, rinoti pane nhengo yaro yakapisirwa imba kuHurungwe East, kuMashonaland West nevanhu vanofungidzirwa kuti vatsigiri veZanu PF.

Vari kukwikwidza vakamirira NPF munzvimbo iyi, Amai Sarah Mahoka vanoti vatsigiri vavo vava kugara vachityisidzirwa nevatsigiri weZanu PF.

Amai Mahoka vanoti kupiswa kweimba yaVaCypren Kademukombe usiku hweChishanu chapfuura kwakaitika mushure mekunge vavhunditsirwa nenhengo dzeZanu PF.

Vanoti imba yakapiswa iyi yaive iine vana vakanga vakarara asi vakazoponeswa nekununurwa.

Hatina kukwanisa kutaura nevatauriri wemapurisa Amai Charity Charamba pamwe chete naVaPaul Nyathi uyewo mutauriri weZanu PF VaSimon Khaya Moyo sezvo vanga vasingadairi dzavo.

Asi mutauriri weNPF VaJelousy Mawarire vashora zvikuru mhirizhonga iyi.

Hurukuro naVaJealousy Mawarire
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG