Accessibility links

Breaking News

Bato reNPP Ropomera Zanu PF Mhosva yeMhirizhonga kuHarare East


Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nevamwe vose vari kukurudzira kuti munyika muitwe sarudzo murunyararo.
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nevamwe vose vari kukurudzira kuti munyika muitwe sarudzo murunyararo.

Bato reNPP, iro rinotungamirirwa naAmai Joice Mujuru, vanove zvakare mutungamiri wemubatanidzwa wePeople’s Rainbow Coalition kana kuti PRC, riri kupomera nhengo dzebato reZanu PF mhosva yekurova pamwe nekukuvadza zvakaipisisa nhengo dzaro kuHarare East.

Vari kukwikwidza musarudzo dzeparamende vakamirira mubatanidzwa wePeople’s Rainbow Coalition muHarare East, VaItai Munyoro, vanoti nhengo nhatu dzebato ravo dzakakuvara zvakaipisisa mushure mekurohwa nevari kufungidzirwa kuti vatsigiri veZanu PF.

Asi vari kukwikwidza vakamirira Zanu PF musarudzo dzeparamende kuHarare East, VaTerence Mukupe vanoti havana chavanoziva nezvekurohwa kwevanhu ava.

Imwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo uye vachiwanzotaura vakarerekera kudivi reZanu PF, VaTafadzwa Mugwadi, vanoti bato ravo haritsigiri nyaya dzemhirizhonga.

Kurohwa kwenhengo dzePRC idzi kunouyawo paine mashoko ekuti mumwe kanzura weMDC-T inotungamirwa naVaNelson Chamisa akapambwa nevari kufungidzirwa kuti vasori pamwe nevari muchiuto vaiva vakapakatira zvombo kuChegutu vakasiya varohwa zvakaipisisa vakandwa parutivi pemugwagwa.

Imwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika vachishanda vakazvimirira, VaVivid Gwede, vanoti kutekeshera kwave kuita nyaya dzemhirizhonga munyika kwave kusvibisa chimiro chesarudzo idzo dzinonzi nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa dzinofanira kuitwa murunyararo uye zviri pachena.

Hatina kukwanisa kutaura nemutauriri wemapurisa Amai Charity Charamba kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi. Asi mukuru wemapurisa VaGodwin Matanga vakazivisa kuti mapurisa achasunga vose vanoita zvemhirizhonga pamberi pesarudzo dzemwedzi uno asina aanotya.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:39 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG