Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Anoyambira Vari Kubvarura Maposita Kuti Vachasungwa


Police Presser
Police Presser

Mapurisa ari munyaya dzesarudzo anoti haasi kufara nekubvarurwa kana kubviswa kwemapepa ekutsvaga rutsigiro emapato ezvematongerwo enyika achapinda musarudzo dzemusi wa30 Chikunguru.

Vachitaura nevatori venhau pamuzinda wemapurisa muHarare, mukuru wekomiti yemapurisa irikuona nezvesarudzo, Senior Assistant Commissioner Erasmus Makodza, vati mapurisa haasi kufara nevemapato mapato ezvematongerwo enyika vari kubvisirana mapepa ekutsvaga rutsigiro pamberi pesarudzo kana kuti campaign posters.

VaMakodza vati vose vachabatwa vachibvisa mapepa aya vachasungwa vagorangwa zvakaomarara maererano nemutemo unobata nyaya dzesarudzo weElectoral Act.

Mashoko aya anouyawo apo mapato akaita seZanu PF neMDC Alliance ari kugunun’una kuti ari kubvisirwa mapepa ekutsvaga rutsigiro mapato aya achinakurirana nyoka mhenyu.

VaMakodza vati ivo semapurisa pamwe nemasoja vachachengetedza runyararo pachaitwa sarudzo vakati nyaya dzekutakurwa kwemagwaro anenge avhoterwa pamwe nezvimwe zvese zvine chekuita nesarudzo zvinhu zvicharamba zviri mumawoko ekomisheni inoona nezvesarudzo yeZimbabwe Electoral Commission.

Zvichakadai, mutauriri wemapurisa, Senior Assistant Commissioner Charity Charamba, vanoti semapurisa vari kufadzwa nerunyararo rwuri munyika panguva ino yesarudzo kana zvichienzaniswa nezvaiitika musarudzo dzakapfuura.

Amai Charamba vakurudzirawo vatungamiri vemapato ezvematongerwo enyika vose kuti vaparidze nyaya yerunyararo pose pavanoita misangano nevatsigiri vavo.

Amai Charamba vati mhirizhonga zhinji iri kuitwa nenhengo dzemapato dzinenge dzichirwisana pachezvadzo kwete kuti nhengo dzerimwe bato dzinge dzichirwisana nedzerimwewo bato.

Panyaya yekukandwa kwechombo kuWhite City Stadium masvondo maviri adarika uko kwakazokonzera kufa kwevanhu vaviri pamwe nekukuvara kwevanhu vanodarika makumi mana, Amai Charamba vati mapurisa ari kuBulawayo ari kushanda zvakasimba kuti apedze kuferefeta kwaari kuita nyaya iyi.

Amai Charamba vati vachazozivisa zvavanenge vawana mutsvagiridzo yevari kuita semapurisa panguva yakafanira.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:22 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG