Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Anorova neKusunga Vanhu paMugodhi weEldorado kuChinhoyi


Eldorado Mine Violence
Eldorado Mine Violence

Mapurisa ashandisa zvombo zvine hutsi hunokachidza ndokurova vanhu vepapurazi reEldorado pedyo neChinhoyi.

Mapurisa aya anonzi anga achisvika makumi mashanu, uye ange akapakatira zvombo paasvika pamugodhi wegoridhe weEldorado achiti ari kuda kupinda mumahofisa ose nepanochengeterwa ivhu rinenge riine goridhe.

Asi vanochengetedza pamugodhi uyu varamba kuti mapurisa apinde izvo zvazoita kuti paite kusawirirana mapurisa aya ndokutanga kurova vanochengetedza mugodhi pamwe nemakorokoza.

Izvi zvaita kuti makorokoza adzoserewo achishandisa matemo, mapanga nerekeni.

Asi makorokoza azotiza pange pokandwa zvombo zvehutdi hunokachidza ndokuenda kukomboni kunogara veruzhinji.

Mapurisa atevera kukomboni iyi ndokusunga vanhu vanga vasina mhosva mukomboni iyi vachiti makorokoza.

Vanhu gumi nevasere, kusanganisira mwana ane makore gumi nemashanu, vasungwa, vamwe vanodarika makumi maviri vakuvadzwa mumhirizhonga yaitika iyi.

Mumwe wevarohwa nemapurisa, VaBenedict Bhasitira, vanotsanangura.

Amai Shorai Kambuzuma vanoti murume wavo, VaClayton Seremwe, asungwa nemapurisa, ivo nevana vavo ndokukandirwa zvombo zvehutsi hunokachidza.

Mumwe mugari, Amai Abgail Munashe, vanoti varohwa nemapurisa vachinzi vakaviga makorokoza.

Asi mumwe mukorokoza anoda kuzivikanwa nezita rekuti Wasu anoti varwisana nemapurisa vakavarova ndipo pavazoenda kukomboni kuno shungurudza vanhu.

Wasu anoti havasi kuda kuti mugodhi uve pasi pezvizvarwa zvekuChina sezvo vari kushandiswa nemwana wemutungamiri wenyika, VaCollins Mnangagwa.

Hatina kunzwa divi raVaCollins Mnangagwa panyaya iyi. kunyange hazvo vakamboda kuturikira mutaura wezvizvarwa zvekuChina apo paitongwa nyaya yekuti ndiyani muridzi wemugodhi weEdorado pakati pezvizvarwa zvekuChina zviviri.

Mutauriri wemapurisa muChinhoyi, VaClemence Mabgweazara, nemutauriri wemapurisa nyika yose, VaPaul Nyathi, vanakurirana nyoka mhenyu VaNyathi vachiti titaure naVaMabgweazara, ukuwo VaMabgweazara vachiti titaure naVaNyathi.

Mugodhi weEldorado wakaiswa pasi pehutungamiri hwemagweta nedare repamusoro mushure mekunetsana kwezvizvarwa zvekuChina zviviri.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:42 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG