Vedzimotokari dzinotakura veruzhinji muChinhoyi vanoti havasi kufara nekudzoka kwemapurisa emumigwagwa vachiti vakawanda vavo vanenge vachitsvaga mari yechioko muhomwe.
Vatyairi vedzimotokari idzi vataura neStudio7 vanoti huwandu hwenzvimbo dzinenge dzakamira mapurisa emumigwagwa dzakawanda zvakanyanya asi vachibvunza zvinhu zvimwe chete.
Vatyairi ava vanoti mapurisa emumigwagwa ari kuvadzinga pavanotakurira vanhu pedyo nepaCABS vachinzi vaende kunenge kusina vanhu vanenge vachida kutakurwa.
Mumwe mutyairi wemotokari diki dzinotakura vanhu dzinozivikanwa nerekuti ‘tsviriyo’, VaKizito Bhamu, vanoti mapurisa ari kuda mari yechioko muhomwe kuti vatakure vanhu panzvimbo yavagara vachitakura vanhu.
VaBhamu vanoti zviri kuita mapurisa zvinovafungisa nguva yakare apo mapurisa ayishungurudza vedzimotokari apo vakazobviswa nemasoja pakabviswa vaimbove mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, gore rapera.
Mumwe mugari wemuChinhoyi, VaTellmore Mashingaidze, vanoti hurumende yakabvisa mapurisa mumigwagwa sezvo yaida kuvhoterwa nevagari vemumaguta asi nekuda kwekuti sarudzo dzapera, vadzoka zvakare mumigwagwa zvine simba.
Mapurisa ari kubvunza marezinesi nekuona kuti motokari dzakatererwa here.
Mutauriri wemapurisa mudunhu reMashonaland West, VaClemence Mabgweazara, vanoti vagara vachitarisa motokari kuti dzakatererwa here uye kuti dzine marezinesi here.
Asi patavabvunza kuti sei mapurisa ari kushandisa motokari dzavo kuita basa rehurumende, VaMabgweazara vati mapurisa anenge achishandisa motokari dzavo vanenge vasina kutumwa nemapurisa.
Vakurudzira kuti vanhu vaende kunomhan’ara kumapurisa ari pedyo navo kana vanhu vakaona mapurisa anenge achishandisa motokari dawo munguva dzebasa.
Facebook Forum