Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Anoudzwa Kuti Aunze kuMatare Muzukuru waMathuthu Musi weMuvhuro Usati Wapfuura


Nqobani Sithole
Nqobani Sithole

Mumwe mutongi wedare reHigh Court muBulawayo apa mutongo wekuti
mapurisa anofanirwa kuunza kudare mukati memazuva matatu anotevera
VaTawanda Muchehiwa avo vasingaziikanwe kuti varipi mushure mekunge
vasungwa nemapurisa nemusi weChina.

Mutongi wedare reHigh Court, Justice Martin Makonese, vapa mutongo uyu zvichitevera chikumbiro chechimbi-chimbi chaitwa negweta, VaNqobani Sithole, chekuti mapurisa aunze VaMuchehiwa kudare.

VaMuchehiwa muzukuru wemutapi wenhau Mduduzi Mathuthu uyo ari kudiwa nemapurisa.

VaSithole vati vaita chikumbiro ichi nekuti VaMuchehiwa havazi kuziikanwa kwavari kubva musi wavakasungwa nemusi weChina chapfuura, pamwe chete nedzimwe hama mbiri dzaMathuthu.

VaSithole vati dzimwe hama mbiri idzi dzave kumba mushure mekuregerwa nemapurisa.

Mathuthu, uyo anove mupepeti webepanhau repadandemutande rinonzi
ZimLive, ari kupomerwa mhosva yekukurudzira mhirizhonga.

Studio7 haina kukwanisa kutaura naMathuthu, sezvo vanhu vasiri kuziva kuti aripi, kunyange hazvo ari kugara akaburitsa zviri kuitika padandemutande rake reTwitter.

Mutevedzeri wemutauriri webato reMDC Alliance, VaClifford Hlatywayo, vati pane nhengo dzavo dzine chitsama dzakasungwa munzvimbo dzakasiyana-siyana munyika mose nezuro iro raive zuva rakange rakarongwa kuratidzira munyika mose.

VaHlatywayo vatiwo vamwe vanhuwo zvavo vakashungurudzwa kana kurohwa nemapurisa nevechiuto munzvimbo dzakasiyana-siyana munyika.

Tabata mutauriri wemapurisa, Assistant Commissioner Paul Nyathi, kuti tinwe kuti kune vanhu vangani vakasungwa munyika nezuro uye kuti kune
vakamhang’ara here kuti vakarohwa nemapurisa nemasoja vakati
tizovafonera mushure mekanguva.

Patazoedza kunzwa kwavari zvekare nharembozha yavo yange isingachabatike.

Mune imwewo nyaya kunyange hazvo vanhu vange vari vashoma pane mamwe mazuva, nhasi zvitoro, mabhangi, nemamwe mabhizimisi zvange zvakavhura vanhu vachiita mabasa avo semazuva ose uye mudhorobha mange muine masoja nemapurisa mashoma.

Mumwe mugari anotengesa mune chimwe chitoro chinotengesa zvekudya
kusanganisira muriwo nezvimwe zvirimwa, uyo angozvidoma nezita rekuti
Amai Tanaka, ati akwanisa kuuya kubasa pasina kunetseka.

Mumwewo mugari uyo angozvidoma nezita rekuti James, uyo anotengesa
muriwo nezvimwe pamusika wemuna Fifth Avenue ati akwanisawo kupinda
mudhorobha pasina kunetseka kunyange hazvo kwange kuine maroadblock mumugwagwa waanoshandisa kupinda mudhorobha.

Sangano re 31st July Movement rakanga rakurudzira kuti vanhu vapinde mumigwagwa vachiratidzira nezuro, asi murongi wekuratidzira uku, VaJacob Ngarivhume, vakabva vasungwa ndokunyimwa mukana wekubvisa mari yechibatiso.

Chikumbiro chekuti vapihwe mukana uyu chava kuknzwikwa nedare repamusoro nemusi weMuvhuro.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG