Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Anobata Imwe yeMotokari Dziri Kufamba naVaChamisa


Nelson Chamisa Bindura Zimbabwe Elections

Imwe yemotokari yemutungamiri webato guru rinopikisa reMDC Alliance, VaNelson Chamisa, inonzi yapambwa nemapurisa kwaRusape panguva iyo VaChamisa vari kutsvaga rutsigiro mudunhu reManicaland.

Mutauriri weMDC Alliance, Muzvare Fadzayi Mahere, vaudza Studio 7 kuti imwe motokari yaVaChamisa yapambwa nemapurisa anga akavhara mugwagwa maRusape pavanga vari munzira kuenda kumusangano.

Muzvare Mahere vati havasi kufara kuti nhengo dzeZanu PF dziri kurambawo dzichivharira VaChamisa migwagwa kwese kwavari kuenda kunotsvaga rutsigiro.

Mutauriri wemapurisa VaPaul Nyathi vaudza Studio 7 kuti vanga vasati vanzwa nezvenyaya iyi nokudaro vati havakwanisi kutaura nezvenyaya iyi.

VaChamisa vakapwanyirwa mahwindo eimwe yemotokari dzavo kwaCharumbira mudunhu reMasvingo svondo rapera nevari kufungidzirwa kuti inhengo dzeZanu PF. MDC Alliance inotiwo VaChamisa vakapotsa vaurayiwa pakapfurwa imwe motokari yavo kwaMutare neChipiri.

Asi Zanu PF yakaramba kuti nhengo dzayo ndidzo dziri kuita zvemhirizhonga kunyange hazvo mifananidzo iri kubuda iri kuratidza nhengo dzeZanu PF dzinenge dzakapfeka mbatya dzebato iri dzichiita mhirizhonga kwese kunenge kwaenda VaChamisa.

Zanu PF inotiwo zvese zviri kutaurwa neMDC Alliance ndezvekuda kusvibisa zita rehurumende pamwe nebato iri pamberi penhumwa yeUnited Nations, Amai Alena Douhan, avo vari kushanya munyika pari zvino umo mavari kuongorora nyaya dzekutyorwa kwekodzero dzevanhu pamwe nekuti zvirango zvakatemerwa Zimbabwe nenyika dzekumavirira zvakanganisa hupenyu hwevanhu zvakadii.

Mune imwewo nyaya, vaimbochengetedza mutevedzeri wemutungamiri weMDCT, Muzvare Thokozani Khupe, VaKudzanai Mashumba, varohwa nevechidiki vebato iri paMedia Centre muHarare nhasi pamusangano wavanga vachiita nevatori venhau zvichitevera kukoka kwavaita vatori venhau vachiti vari kufumura mutungamiri webato iri, VaDouglas Mwonzora, avo vavanoti vari kushandisa mari yebato zvisirizvo.

Asi vachingotanga kutaura pabva pasvika vechidiki veMDCT vanga vachitungamirwa nasachigaro wevechidiki mubato iri uye vari nhengo yeparamende, Muzvare Yvvone Musarurwa, vakarambidza VaMashumba kutaura vachiti havasi nhengo yebato ravo ndokuvamanikidza kubuda panze vachirohwa mambama nevechidiki.

VaMashumba vazopotera mune mamwe mahofisi ari pedyo neMedia Centre mavateverwa nevechidiki ava vakavazvindikita.

Mutauriri weMDCT, VaWitness Dube, vaudza Studio 7 kuti VaMashumba havasisiri nhengo yeMDCT zvichitevera kudzingwa kwavakaitwa basa mushure mekongiresi yechimbichimbi yakaitwa nebato iri gore rapera.

Zvichakadai, mutauriri waVaMwonzora, VaLloyd Damba varamba kuti VaMwonzora vari kushandisa mari yebato zvisirizvo.

Imwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, VaTjenesani Ntungagwa, vati bato reMDCT riri kuswera richitamba nenguva nenyaya dzisina basa zvinopa Zanu PF mukana wekuisvibisa.

VaMashumba vazobva vachiita zvekutizira mune imwe motokari yanga ichitozvipfuurirawo zvayo kuti vasarambe vachirohwa nevechidiki ava.

Hatina kukwanisa kuziva kuti vamhan’ara nyaya iyi kumapurisa here kana kuti kwete.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:26 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG