Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Anotadzisa Vashandi veHurumende Kuratidzira


Government Workers Harare Zimbabwe Protests
Government Workers Harare Zimbabwe Protests

Mapurisa atadzisa vashandi vehurumende kuratidzira kwavanga vachida kuita kunyange hazvo vashandi vehurumende ava vakambenge vapihwa mvumo yekuratidzira.

Vashandi vehurumende nhasi vawana nzvimbo yavanga vakazivisa kuti vachatangira kuratidzira yakakombwa nemapurisa anga akapakatira zvombo uye aine motokari dzanga dzizere mvura inovava.

Zvisinei, vashandi vehurumende vane chitsamba vakwanisa kusvika pamahofisi ePublic Service Association pavanga vachifanira kusangana apa pasina avadzivisa ndokutanga kuimba zvakaomarara vachigadzirira kuti vanosiya magwaro enyunyuto kumahofisi egurukota rezvemari, VaMthuli Ncube, pamwe negurukota rezvevashandi, Amai Sekai Nzenza.

Pavatanga kufamba vachibva pamahofisi ePSA aya vakatakura zvinyorwa zvakasiyanasiyana, mapurisa abva avavharidzira achishandisa chisimba mushure mekunge varatidziri ava vaedza kumanikidzira kuti vapfuure pamudhuri wevanhu wanga wagadzirwa nemapurisa.

Vamwe vevaratidziri ava vabva vagara pasi zvazoita kuti mapurisa avazvuzvurudze achivadzosera kwanga kuine vamwe vavo.

Sachigaro weApex Council, Amai Cecelia Alexander, nehumwe hutungamiri hwemasangana anomirira vashandi vehurumende vamboedza kutaura nemapurisa aya asi mapurisa aramba akatsika madziro achiti audzwa nevakuru vavo kuti kuratidzira uku hakusi kuzoenderera mberi.

Amai Alexander vashora zvaitwa nemapurisa izvi vakabva vabvarura magwaro enyunyuto avanga vachida kunosvitsa kuhurumende.

Mutungamiri wesangano rinomirira vadziddzisi vekumaruwa reAmalagamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, VaObert Masaraure, vati chanetsa ndechekuti hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa yave kufunga kuti yave kupandukirwa nevashandi vayo kunyange hazvo vashandi vakangomira nenyaya yekuda kuwedzerwa mari dzemihoro.

Munyori mukuru musangano reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, VaRaymond Majongwe, vati vashandi vehurumende vave kunhonga svosve nemuromo zvekuti havachatokwanisi kuenda kubasa kubva zvino zvichienda mberi.

Zvichakadai, VaMunyaradzi Gwisai avo vanoshanda nesangano reInternational Socialist Organization, vati chave kudikanwa ndechekuti vashandi nevarombo vachibatana voita chinhu chimwe chete mukuedza kumanikidza hurumende kuti igadzirise matambudziko akatarisana nenyika.

Hatina kukwanisa kutaura nemutauriri wemapurisa, VaPaul Nyathi, kuti tinzwe kuti sei mapurisa azorambidza vashandi vehurumende kuratidzira iwo akambenge avapa mvumo sezvo vanga vasiri kudaira nharembozha yavo.

Asi Amai Alexander vati vave kukwidza nyaya yekurambidzwa kuratidzira kwavaitwa nemapurisa kusangano reInternational Labour Organization.

Gurukota rezvemari, VaMthuli Ncube, vati tigovafonera zvakare kuti tinzwe pamire hurumende panyaya dzemihoro yevashandi vayo.

Asi VaNcube vakaudza nhengo dzeparamende kumusangano wekugadzirira bhajeti renyika wakaitirwa kuVictoria Falls kuti homwe yehurumende yakabooka zvekuti hurumende haikwanise kubhadhara vashandi vayo mari yavari kuda yakaringana ne interbank rate.

Vashandi vehurumende vanoti yakwana zvino nguva yekuti vabatane vataure nezwi rimwe chete sezvo vachiti hurumende iri kungochinjachinja serwaivhi panyaya dzemihoro nemari dzemabhonasi.

Vashandi vehurumende vanotiwo havasi kufara kuti hurumende haisi kuvabudira pachena panhaurirano dzavanoita pasi peNational Joint Negotiating Council, NJNC, pamusoro penhau dzekuwedzera vashandi mari dzemihoro nemabhonasi vachiti hurumende inozongozwikwa yotaura pfungwa dzayo mumapepanhau isingashandise misangano yeNJNC kuisa pfungwa dzayo patafura.

Vashandi vehurumende vanoti mari dzavari kutambiriswa nehurumende hadzichavakwaniri kuenda kumabasa pamwe nekuraramisa mhuri dzavo pakatariswa kusamira zvakanaka kwezvinhu munyika munyaya dzezvehupfumi.

Hatina kukwanisa kutaurawo naAmai Nzenza kuti tinzwe pamire bazi ravo panyaya iyi sezvo vanga vasiri kudaira nharembozha yavo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:09:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG