Accessibility links

Breaking News

Mapurisa neMasoja Orambidza Vanhu Kufamba Famba Munyika


Mapurisa nemasoja ange achirambidza vanhu vakawanda kupinda mumadhorobha akawanda munyika uye vamwe vanhu vange vapinda mumadhorobha aya vange vachiudzwa kunzi vadzokere kudzimba dzavo.

Nhasi mapurisa nemasoja ange akadzika maroadblock pamigwagwa yose inopinda mumaguta achipa chete mvumo vanhu vanobvumirwa nehurumende kushanda munguva ino yeNational Lockdown.

Vanga vasina mvumo vanga vachiudzwa kuti vadzokere kudzaimba dzavo, uye varemekedze mutemo we curfew wakatarwa nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa nemusi weChipiri.

Izvi ndizvo zvaitikawo mumaguta nemadhorobha akasiyana-siyana munyika kusanganisira Chinhoyi, Gweru, Kadoma, Mutare neMasvingo.

Mutori wenhau ane mukurumbira, Tapfuma Machakaire, vati shoko rekuti curfew rinounza ndangariro dzakaipa sezvo mudunhu reMatebeleland makamboitwa curfew munguva yeGukurahundi, iyo yakasiya vanhu vanosvika zviuru makumi maviri vauraiwa nemauto eFifth Brigade mumatunhu eMatabeleland nedzimwe nzvimbo mudunhu reMidlands.

Asi nhengo yeCentral Committeee yeZanu PF, VaJospeh Tshuma, vati havawone chakapia pakuve necurfew. Vati vanhu vanofanirwa kudzidza kudzidza kubva kunyika dzakaita seItaly, Spain, Brazil neAmerica uko zviuru nezviuru zvevanhu zviri kufanechirwere cheCovid-19.

Vakafanobata chigaro chemutungamiri weZimbabwe Human Rights NGO Forum, VaMusa Kika, vati mapurisa nevechiuto havafanirwe kutyora kodzero dzevanhu panguva yakadai. VaKika vatiwo hurumende inofanirwa kusiya tsika yekutonga nyika nekuisa zviga izvo vati zvinotyora bumbiro remutemo yenyika.

Kurambidzwa kupinda mumaguta kuri kuitwa vanhu kunonzi kuri kuvhiringa vanhu vanorarama nekutengesa mumigwagwa.

Mumwe anotengesera muBulawayo angozvidoma nezita rekuti Mushapo ati vanhu vanozvishandira vange vachirambudzwa kupinda muguta.

MuBulawayo Studio 7 yaona vamwe vanorarama nekuchinja mari mumigwagwa pamwe nevanotengesa pamusika wemunaFifth Street vachiita hwekatsi nagonzo nemapurisa ayo ange ari pamabhasikoro, nemamwe ange ari pamabhiza achitenderera achiudza vanhu ava kuti vadzokere kumba.

Amai Medeline Mari avo vanoraramawo nekutengesa vati mutemo we curfew uchaita kuti veruzhinji vafe nenzara.

Mumwe murwiri wekodzero dzevanhu, Muzvare Nozipho Moyo, vati hurumende ine tsika yekungodzika mitemo pasina kunyatsofungisisa nezvainobatsira.

Hatina kukwanisa kunzwa divi remapurisa kana vechiuto panyaya iyi.Studio7 hainawo kukwanisa kubata munyori mubazi rezvekuburitswa kwemashoko, VaNick Mangwana, sezvo vanga vasiri kubatika panharembozha yavo.

Asi VaMnangagwa vakazivisa neChipiri kuti mauto nemapurisa achange ari mumigwagwa achiona kuti mitemo yeNational Lockdown yatevedzerwa nemunhu wese sezvo nyika iri kuedza kudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19, icho chabata vanhu vanodarika zviuru zviviri nemakumi matatu nevana, uye chauraya vanhu makumi maviri nevatanhatu muZimbabwe.

VaMnangagwa havana kuzivisa kuti curfew iyi ichapera riini? Hurumende yakavharisa zvikoro zvose zvepamusoro soro kudzamara zvinhu zvanaka munyika munyaya dzeCovid-19.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:20 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG