Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Anobvuma Kuti Mashandiro Avo Munguva yaVaMugabe Ainge Asina Kunaka


Armed Riot Police Presence in Harare Zimbabwe Elections
Armed Riot Police Presence in Harare Zimbabwe Elections

Vakuru vakuru veZimbabwe Republic Police, kana kuti ZRP, vanoti vari pakati pekuvandudza mashandiro emapurisa kuitira kuti atevedzere zvinodiwa nemitemo inotara mashandiro emapurisa.

Vachitaura muChinhoyi pamusangano wavaita nevatori venhau, mumwe mukuru wemapurisa, Assistant Commissioner Martin Nyirenda, vati mashandiro avange vachiita muhutongi hwevaimbove mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, haasi anofanirwa kunge achiitwa nemapurisa, nekudaro vave kuvandudza mashandiro avo.

VaNyirenda vati mukuvandudza mashandiro emapurisa, vari kudzidzisa kana kuyeuchidza mapurisa ose mashandiro akanaka sezvinodiwa nemutemo.

Asi VaTendai Musonza, avo vane nyaya iri kumatare edzimhosva yekunyomba VaMugabe, vati havaone mapurisa achichinja mashandiro avo.

VaMusonza vati chingangoshanduka pamashandiro emapurisa, kungoti vanenge votevedzera zviri kuda hurumende iripo yaVaEmmerson Mnangagwa, vachisiya zvaaiita pasi paVaMugabe.

VaMusonza vati mapurisa anofanirwa kuita basa rawo asingarerekere kumapato ezvematongerwo enyika, asi kutevedzera zvinodiwa nemitemo inobata mashandiro emapurisa.

Mukuru weboka reMedia Institution of Southern Africa kana kuti MISA Zimbabwe, VaTabani Moyo, vati kudzidziswa patsva kuri kuitwa mapurisa hakuyamure kana vakasashandura mashandiro avachaita.

VaMoyo vati vakatombotaura nemapurisa muna 2016 vakamboita sevashandura mashandiro avo, asi vati dzidziso itsva iyi yakatadza kugamuchirika sezvo mapurisa akatangazve mabasa avo asina kunaka ekusunga vanhu vanenge vasina mhosva vakaita sevatori venhau, vanoita zvemitambo pamwe nevanotengesa mumigwagwa kuti vararame.

Kunyange hazvo mapurisa ari kudzidziswa nzira dzakanaka dzekuita mabasa awo, nyanzvi munyaya dzekodzero dzevanhu dzinoti mapurisa achiri kushandiswa mune zvematongerwo enyika.

Mwedzi wapera, vanorwira kodzero dzevanhu vanomwe, vakasungwa vachibva kumusangano wekodzero dzevanhu kuMaldives, vakapomerwa mhosva yekuda kupidigura hurumende, muchiitiko chinoonekwa nevakawanda vanorwira kodzero dzevanhu, sekushandiswa kwemapurisa munyaya dzematongerwo enyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:44 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG