Accessibility links

Breaking News

Vari Kunze kweNyika Voramba Vaine Tariro paKuvhota


Zimbabwe Diaspora Network North America
Zimbabwe Diaspora Network North America

Sangano rinosimudzira pamwe nekubatanidza zvizvarwa zveZimbabwe zviri muAmerica, reZimbabwe Diaspora Network North America (ZDNNA) - DC/MDVA/WV Chapter, rinoti harisi kuzorasa mbereko nekufirwa panyaya yekuti zvizvarwa zvenyika zviri kunze zvibvumidzwe kuvhota musarudzo dziri kuitwa gore rinouya.

Kunyange hazvo ZEC yakazivisa kare kuti haina mari nezvikwanisiro zvekuti iite basa iri, sachigaro wechikamu cheZDNNA chinomirira Maryland, Washington D.C., Virginia neWest Virginia, VaJonah Masiya, vanoti sangano ravo riri kuramba richiedza kuita hurukuro nehurumende pamusoro penyaya iyi.

VaMasiya vanoti sangano ravo rakatobuda negwaro rehurongwa hwavari kuda kuti huteverwe, vachiti kunyange hazvo richiri chinyorwa chisati chatumbuka.

Vanotiwo hurumende inofanirwa kukoshesa kubatsira kuri kuita vana veZimbabwe vari kunze kwenyika mukusimudzira hupfumi hwenyika kuburikidza nemari dzavanotumira kumusha.

Zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika zvinofungidzirwa kuti zvinodarika mamiriyoni mana.

Mapato anopikisa anonzi aidawo zvikuru kuti vari kunze kwenyika vabvumidzwe kuvhota sezvo vaine chekuita mukufambiswa kwenyika.

Mapato aya anonzi ari kupesanawo panyaya yekuti ZEC yoshandisa here kana kuti kwete nzira itsva yekunyoresa kuvhota ye biometric voter registration, vamwe vachikurudzira kuti kushandiswe zvitupa sezvo vari kutyira kuti hurumende yeZanu PF inogona kubira sarudzo.

Hurukuro naVaJonah Masiya
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG