Accessibility links

Breaking News

Vatambi veNhabvu Vokurudzirwa Kunoshanda Vachitambira Zvikwata Zviri muAffrica


Caps United
Caps United

Vanotsvagira vatambi venhabvu zvikwata zvekunze kwenyika, VaGeorge Deda, vanoti vawana maketi itsva yevatambi vemuZimbabwe.

Vanotsvagira vatambi venhabvu zvikwata zvekunze kwenyika, VaGeorge Deda, vanoti vawana maketi itsva yevatambi vemuZimbabwe.

Vatambi vemuno vanotarisira South Africa neEurope serwendo rwavo rwehupenyu munhabvu asi VaDeda vanoti muno muAfrica mune dzimwe nyika dzakaita se Tanzania, Kenya, Libya, Democratic Republic of Congo, neSudan, uko vatambi vemuno vanokwanisa kutambiriswa mari yekukwanisa kurarama hupenyu hunoonekera.

VaDeda vanoti vari kurwadziwa zvikuru nehupenyu hwekutambura hunogarwa nevatambi vemuno nekuti mari yavanowana yemuhoro ishoma shoma nemhaka yekuoma kwezvehupfumi munyika.

Mwaka uno, VaDeda vanoti vaendesa vatambi vatanhatu kune dzimwe nyika muno muAfrica, vashanu kuTanzania nemumwe chete kuDRC.

Vanoti hupenyu hwevatambi ava hwasanduka zvikuru panguva shomanana yavaenda kunotambira zvikwata zvekunze izvi.

VaDeda vanowana chikamu gumi kubva muzana pamari inotengwa mutambi wega wega.

Aimbotambira chikwata chenyika chemaWarriors, Alois Bunjira, anoti hurongwa hwaVaDeda hwakanaka zvikuru sezvo huchipa vatambi mukana wekuwana hupenyu hwakanaka.

Bunjira anoti kuwanda kwevatambi vanenge vachitamba kunze kwenyika kunopa zvekare murairidzi wemaWarriors, Kalisto Pasuwa, vatambi vakawanda vane ruzivo nenhabvu yekune dzimwe nyika.

Vatambi vakawanda vemuZimbabwe vanotambira zvikwata zvemuSouth Africa, vashoma shoma vavo ndivo vari kuEurope.

Costa Nhamoinesu uyo anotambira Sparta Prague yekuCzech Republic naKnowledge Musona anotambira KV Oostende yekuBelgium ndivo vanonyanyozivikanwa pane avo vanotambira kuEurope.

Mune chimwe chiitiko mumutambo wenhabvu.

Hardlife Zvirekwi weCaps United nemusi weChishanu manheru ndiye akatambidzwa mukombe wemutambi akarura kudarika vese gore rino, Soccer Star of the Year.

Zvirekwi akatambidzwa mukombe uyu mushure mekubuda ari pamberi paLeonard Tsipa weCaps United zvekare naPetros Nhari weFC Platinum.

Mukuita izvi, Zvirekwi akatambidzwa madhora zviuru zvitanhatu neveDelta Beverages avo vanopa mari kuPremier Soccer League.

Murairidzi weCaps United, Lloyd Chitembwe, ndiye akatora mukombe wemurairidzi anga ari pamusoro soro mwaka uno mushure mekutora mukombe weLigi.

Nhari akatambidzwa zvekare mukombe wemubati wepagedhe akaita mashiripiti.

Chikwata cheTriangle chakatendwawo nekutamba chisinga tsonde tsonde vamwe, ndokutambidzwa mukombe weMost Disciplined Team of the Year.

XS
SM
MD
LG