Accessibility links

Breaking News

Kwekwe Inovharwa kweMasvondo Maviri naVaChiwenga


VP Constantino Chiwenga
VP Constantino Chiwenga

Hurumende yazobvuma kuti yavhara kwemasvondo maviri guta rose reKwekwe zvichitevera kufa kwemunhu wemuguta iri nechirwere cheCovid-19 chemhando yekuIndia.

Zvichitevera kuvharwa kwaitwa guta iri, vanhu vachange vachibvumidzwa kufamba kubva na 6 mangwanani kusvika nguva dza7 manheru. Izvi zvinoreva kuti vanhu havachabvumidzwi kufamba munguva dzemanheru muKwekwe.

Hurumende yatiwo kutanga nhasi, hapana munhu anobvumidzwa kushanyira zvikoro zve boarding, mabhizinesi anofanirwa kuvhurwa na 8 mangwanani uye achivharwa na 5pm.

Mabhawa ose haasi kubvumidzwa kuvhura munguva yelockdown, uye michato nekunamata vanhu vakaungana, zvava kurambidzwawo kwemasvondo maviri.

Vanenge vafirwa vanofanirwa kunge vaine munhu abva kubazi rezvehutano, uye vanhu vanoungana parufu havafanirwe kudarika makumi matatu.

Vanhu vanopfuura nemuguta reKwekwe vari kukurudzirwa zvikuru kusamira muguta iri kwenguva yakareba.

Gurukota rezvehutano, VaConstantine Chiwenga, vati hurumende ichaenderera mberi nedzidziso yechirwere cheCovid-19, kucheneswa kwezvitoro nenzvimbo dzose dzinopindwa neveruzhinji.

Nyaya yekuvharwa kweKwekwe yatanga kuburitswa padandemutande reTwitter nemunhu anozviti Jamwanda uyo veruzhinji vanoziva semutauriri wemutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaGeorge Charamba.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi raVaCharamba panyaya iyi, kunyange hazvo vamwe muhurumende vabvuma kuti lockdown iyi ndeyechokwadi.

Studio7 yabata mutauriri wemapurisa, VaPaul Nyathi, kuti tinzwe kana Kwekwe yava mulockdown, asi vati vakabatikana kuti vataure nesu sezvo vanga vari mumusangano.

Asi mashoko aJamwanda ari paTwitter anoti izvi zvakaitirwa kubatsira kudzivirira vanhu vemuKwekwe mukupararira kwechirwere cheCovid-19 chemhando yakatanga kuChina.

Asi mutauriri webazi rezvehutano, VaDonald Mujiri, vaudza Studio 7 kuti
vanga vasina ruzivo nezvedanho iri asi vakati vange vachitarisira kuti
hurumende ichaburitsa chiziviso chizere mukati mezuva ranhasi.

Meya veguta reKwekwe, Amai Angeline Kasipo, vaudza Studio 7 kuti
vanga vasati vaudzwa nezvelockdown iyi.

Sachigaro weWomen’s Coalition of Zimbabwe mudunhu reMidlands, Muzvare Locadia Mavhudzi, vati zvinhu zvinoshoreka chose kuti hurumende haizi kukwanisa kubuda pachena pazvinhu zvakakosha kudai.

Vakambove gurukota rezvehutano uye vari mugari wemuKwekwe, Dr Henry Madzorera, vati zvakakosha kuti hurumende ipe veruzhinji mashoko
akakwana panguva dzose pamatanho airi kutora mukurwisa chirwere
cheCovid-19.

Vatiwo maonero avo ndeekuti kana kuchiitwa lockdown muKwekwe, mune
imwe nzvimbo kana munyika mose, zvakakosha kuti patange paitwa
ongororo inopa humbowo hwakakwana hwekuti zvakakodzera here kuita
izvi.

Mumiriri weparamende pasi pechikamu cheproportional representation
variwo nhengo yekomiti yeparamende inoona nezvehutano, Amai Jasmine
Toffa, vaudza Studio 7 kuti vanoona zvakakodzera kuti muKwekwe muve
nelockdown.

Zvichakadaro, mumashoko ayakabudisa nezuro hurumende yakati
munyika mune vanhu vaviri vakafa nechirwere cheCovid-19 uye kusvika
pari zvino pave nevanhu chiuru chimwe chete nemazana mashanu nemakumi masere nevashanu 1585 vafa nechirwere ichi kusvika pari zvino.

Pane vanhu makumi maviri nevatatu vakabatwa nechirwere ichi nezuro uye
kusvika pari zvino pave nevanhu zviuru makumi matatu nezvisere
nemazana matanhatu nemakumi matatu nevashanu, 38635, vabatwa
nechirwere ichi munyika mose.

Vanhu zviuru zvipfumbamwe nemazana manomwe nemakumi mana vakabaiwa nhomba yekutanga nezuro,izvo zvakasvitsa huwandu hwevanhu vabayiwa nhomba yekutanga pazviuru mazana matanhatu negumi nezvishanu nemazana maviri nemakumi mapfumbamwe nevatanhatu, 615 296.

Huwandu uhu hunogona kukwira apo hurumende ichabudisa mamiriro ezvinhu nhasi.

Hurumende inoti ine hurongwa hwekubaya nhomba vanhu vanodarika mamiriyoni gumi,kana kuti zvikamu makumi matanhatu kubva muzana senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere ichi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG